Mufushwa wemunyemba une dovi

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Mufushwa wemunyemba une dovi Mufushwa wemunyemba

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
MUFUSHWA wemunyemba une dovi kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya, vasingabatwe nezvirwere zvose-zvose uye vachirarama kwenguva refu.

Tinowana iron, Vitamin D neC kubva mumufushwa wemunyemba.

Svondo rino Tawanda Kareshe wekwaZvimba anotsanangudza mamwe mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Mufushwa wemunyemba, munyu, poto kana chikari, mafuta, soda, dovi, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:

Tanga wafashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.

Chiugeza nemvura inodziya.

Isa muchikari chine mafuta mashoma.

Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana.

Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.

Kurungira dovi kusvikira zvanyatsosangana.

Kwidibira chikari woderedza huwandu hwemoto, wosiya zvichishinyira kwemaminitsi angaite maviri usati wabura.

Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

 . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links