Mukomana arova amai vemusikana wake

11 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
Mukomana arova amai vemusikana wake Western Commanage Courts

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuIminyela, kuBulawayo ari kupomerwa kurova amai vemusikana wake mushure mekunge vamurandutsira apo aida kurikita mudiwa wake uyu.

Effort Munkuli anonzi akanetsana nemusikana wake, Pretty Makhalima, apo aive amushanyira kumba kwevabereki vake.

Makhalima anonzi akazotiza achipinda mumba apo Munkuli akamutevera asi akadziviswa naamai vemusikana uyu kuti apinde mumba umu zvikaita kuti avarove.

Zuva rakatevera, Makhalima akabva aenda kudare reWestern Commonage Courts ndokukumbira gwaro rerunyararo kubva kumukomana wake uyo waanoti ari kumushungurudza.

Mumagwaro ake ari mudare, Makhalima anoti, “Ndave nemwedzi mitanhatu ndiri murudo naEffort. Asi pandakamusiya, akatanga kundipomera kuti ndaive ndisina kuvimbika zvakanyanya murudo rwedu.

“Anonditumira mashoko akawanda paWhatsApp achindipomera kuti ndakatambisa nguva yake nekumudya mari yake.”

Rudo rwevaviri ava rwunonzi rwakadzikira zvikuru nemusi weMuvhuro svondo rapera apo Munkuli akanetsana naMakhalima mushure mekunge amushanyira kumba kwavo.

Mukomana uyu anonzi akakumbira musikana wake kuti amuperekedze kushabhini kunotenga doro asi akaramba zvikaita kuti vakakavadzane.

Munkuli anonzi akabva abata Makhalima nechisimba asi akakwanisa kupukunyura achibva atiza achinohwanda mumba.

Akazama kutevera musikana wake mumba asi amai vaMakhalima vanonzi vakamudzivisa zvikaita kuti avarove pachipfuva neparuoko ndokukuvara.

Munkuli anonzi akapotsera matombo pamba apa zvakare achiti anoda kuona musikana wake.

Mutongi wedare reWestern Commonage Courts, VaShepherd Mjanja, vakapa Makhalima gwaro rerunyararo.

Munkuli akaudzwa kuti haatenderwe kushanya kumba kwevabereki vaMakhalima

Share This:

Sponsored Links