Mukomana oramba kukandwa saga

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
Mukomana oramba kukandwa saga

Kwayedza

Garnet Zvimba
MUKOMANA wekusada kurambwa nemusikana achiti anomuuraya iye ozozviurayawo kana aramba kuti vadzokerana akazochechuka amiswa mudare neaimbove chibayamoyo chake. Rejoice Tete akamhan’arira aimbove mukomana wake, Tichaona Madonhi, kuHarare Civil Court achiti anogara achimuzvambaradza uye akamudzinga pamba pake izvo zvave kuita kuti agare mumaraini.“Tichaona aimbove mukomana wangu, pandakamuramba ndipo akatanga kundivhunditsira achiti anoda kundiuraya kana apedza obva azviurayawo kana ndikaramba kuti tidzokerane.

‘‘Anouya kumba achindituka nekundirova uye pari zvino handisi kutogara pamba pangu nekuti akandidzinga akabva akiya dzimba dzacho. Ndinoda kuti abve pamba ipapo adzokere kumba kwake nekuti handina pekugara, ndiri kutogara kumaraini,” akadaro Tete.
Madonhi akati zvose zvairehwa naTete manyepo.

“Zvose zvaanotaura ini handizvizivi, handina kana musi mumwe chete wandakamurova. Zvaanotaura kuti ndakamukiyira panze hazvisizvo. Ini ndakatokiya pamba ipapo nekuti akanga asipo akatoita mwedzi wose asipo. Ndiri kutodawo kuti adzoke kumba nekuti akatakura makiyi epawadhiropu, handina kana chekupfeka,” akadaro Madonhi.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Madonhi asiyane netsika yekuvhunditsira Tete pamwe nekumurova uye achengetedze runyararo pakati pavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey