Mungano zvinoitika

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
UCHITSIGIRA nengano shanu, jekesa kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu mungano zvinoitika. [25]

Mungano yakanzi, Mwanansikana navabereki vake munobuda pfungwa yekuti kunyange zvinonzi hazviitiki mungano zvinoitika apo munobudiswa mukomana aikosa mukosi wake neruoko rumwe chete, rumwe ruchidya sadza paainge aenda kunotsvetsva musikana ainge asingabvumirwe kupfimbwa navabereki vake. Pfungwa iyi inozadziswa apo tinonzwa kuti mukomana akazowana musikana uyu aishanda neruoko rumwe chete zvinova zvisingakwanisiki muupenyu kuti munhu agone kukosa mukosi neruoko rumwe chete.

Mungano umu munobuda zvakare pfungwa yekusatendeseka kwengano apo vabereki vemusikana vakakwanisa kubvuma kuti mukomana uyu aikwanisa kutakura tsime pamwe nemunda waamai vake achishandisa tambo yaainge achikosa iyi.

Vasikana navakomana shumba ingano inobudisa pachena zvakare kuti mungano zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinogoneka. Mungano iyi mune vasikana vana vanowanikwa navakomana vana vaipota vachishanduka kuita shumba.

Kushanduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe nekudzoka kuita vanhu zvakare zvinobudisa pfungwa yokuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Zvakare mungano imwe chete iyoyo munobudawo vasikana vekuroorwa navakomana vaipinduka ava vachizotakurwa munhava nekahanzvadzi kavo kadiki vave kudzokera kumusha vachitiza kudyiwa navakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Kupinduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe chete nekutakurwa kunoitwa vasikana ava munhava nekahanzvadzi kavo zvinobudisa pachena kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinoitika.

Muteyi wemaduwo nomukadzi wake ingano inobudisa kuti chinhu chose chinogona kuitika. Mungano iyi mune mudzimai aive nemurume wake aibata hove nemaduwo, asi hove dzake aienda nadzo kumba dzadyiwa kwasara misoro chete.

Mukadzi akashupika nemurume aiuya nehove dzisina musoro akazokumbira murume kuti vaende vose kurwizi kunotsvaga chaidya hove dzavo chichisiya misoro. Vakazoenda vose vakaona kuti igarwe raidya hove mukadzi akaudza garwe kuti rimudzosere hove dzemurume wake.

Garwe rinokwanisa kutaurirana nemunhu pamwe chete nekutakura mukadzi uye mumvura zvinova zvinhu zvisingaitike muupenyu, asi apa zvinoitika.

Tsuro anokwanisawo kutaura nemurume nemukadzi vaye pamwe nekuzopunyutsa mukadzi munjodzi yekudyiwa negarwe. Izvi zvinobudisa kuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Mungano Chinyamapezi munobuda zvakare pfungwa yekuti zvinhu zvose mungano zvinogona kuitika.

Mungano iyi mune mukomana anonzi Chinyamapezi uyo aive nemuviri une mavanga emhezi anoshingirira kurumwa nenyuchi achikwira mumuti izvo zvinoita kuti akwanise kuroora mwana wamambo.

Chinyamapezi haanzwi marwadzo okurumwa nenyuchi, asi anoramba akashinga kusvikira akwanisa kusvika paive nemwana wamambo izvo zvakaita kuti agone kuroora mwana wamambo.

Kutadza kunzwa marwadzo ekurumwa nenyuchi uku kunobudisa kuti mungano zvinhu zvose zvinogona kuitika sezvo muupenyu chaihwo munhu achinzwa kurwadziwa kana arumwa nenyuchi.

Cherechedzo: Mudzidzi akasununguka kusarudza chero dzimwe ngano kubva mubhuku iri dzinoita kuti agone kupindura mubvunzo uno zvakanaka sezvo iyi mhinduro ichingova munongedzo chete.

Share This:

Sponsored Links