Mupurwa wakapfeka wigi nechuma puu pagedhi

25 Jan, 2024 - 21:01 0 Views
Mupurwa wakapfeka wigi nechuma puu pagedhi Chinonzi chikwambo chakakandwa pamba yekuKuwadzana - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE inogara kuKuwadzana 3, muHarare – iyo ine pamba pakaonekwa mupurwa waiva wakashongedzwa nechuma muhuro newigi mumusoro – inoti haina ruzivo rwekuti zvinhu izvi zvakabva kupi uye aya mabasa evavengi vanoda kusvibisa zita rayo.

Mbuya Loice Makumbe (67) muchivanze chepamba pavo makawanikwa mupurwa wakafa svondo rakapera zvikapa kuungana kwevanhu vakawanda avo vaipa mafungiro akasiyana apo vamwe vaiti chikwambo.

Mbuya Makumbe vanotsinhira kuti pamba pavo pakaonekwa mupurwa waiva wakamonerwa chuma uine vhudzi rechirungu rewigi.

“Ndakafuma mangwanani ndokuona pagedhi paine mupurwa wakafa wakamonerwa chuma muhuro wakaiswa vhudzi. Handina chandinoziva nekuda kwemupurwa uyu unonzi nevagari vemuno chikwambo changu. Ndakatoshamiswawo nazvo, ndinoti aya mabasa emaporofita enhema emuno vanoda kutsvaga mbiri.

“Pakazouya vamwe vachiti vanoda kundibatsira ndisina kuvashevedza vachitaura kuti chikwambo changu vachiti ndine nyoka pasi pemubhedha,” vanodaro Mbuya Makumbe.

Mbuya Loice Makumbe

Vanoti mupurwa uyu vakauona kuma5 mangwanani vachibva vaenda kumwana wavo anogara munzvimbo iyi.

“Ndakadzoka ndikawana pamba pazara vanhu vachinditi zimuroyi remuKuwadzana. Mumwewo muporofita wemuno akazouya akatanga kundinamatira ndikazomupa US$4 yekutenga peturu akapisa mupurwa uyu.

“Chinonetsa muporofita uyu handina kumbomushevedza zvinoita kuti ndifunge kuti vanamati ava yaiva nzira yekutsvaga mbiri neni uyewo vachida mari kwandiri,” vanodaro.

Pamba pakawanikwa mupurwa

Mbuya Makumbe vanoti pakazokandwa mupurwa uyu waiva wakafa kare pamba pavo vakangawo vabva kune mumwe muporofita kuRuwa uko vari kufambira nyaya yemwanakomana wavo anorwara nepfungwa.

“Ndinoenda kumaporofita ndichivabhadhara mari nechinangwa chekuti ndibatsirwe pamwana wangu mukomana anorwara nepfungwa. Izvozvi haapo asi zvava kuita nani zvekuti ndinogara ndakavharira mwana mumba uyewo handina ruzivo nemashoko ekuti mumba mangu maimbogara n’anga.”

Vanoti vakapihwa munamato nemumwe muporofita kuRuwa wavakanzi vasvikoisa pamusiwo apo rechimangwana racho vakazowana pagedhi pavo paine mupurwa.

“Vagarisani vangu vanofunga kuti ndine mari yakawanda nekuda kwemba yangu ine dzimba 13, zhinji dzacho dzichigara maroja. Musi wakakandwa mupurwa pagedhi pangu muporofita akauya uyu akazopisa machira ekuchechi kwangu nebakatwa zvechipositori vachiti zvaiva nemweya yetsvina izvo zvose anove manyepo,” vanodaro mbuya ava.

Vanoti pamusoro pezvo, muporofita uyu akavati vane nyora dzehuroyi pamusana idzo vakatemerwa dzaida kuparwa.

“Pane nyaya zvakare inotaurwa yekuti pamba pangu hapararike, handizive kuti nyaya idzi dzinowanikwa kupi sezvo ndichigara nemaroja pano vasina zvavanoona. Ndine vana 4 uyewo murume wangu akafa kare.” vanodaro.

Mbuya Muranda vanoti pakawanikwa mupurwa pamba pavo, maporofita akasiyana akazouya vachinyepedzera kuita sevanoda kubatsira avo vavanofungira kuti vane chekuita nekuda kwemupurwa uyu.

“Tinoziva kune mamwe maporofita nen’anga dzechitsotsi vanokanda zvinhu padzimba dzevanhu senzira yekuti vaite mbiri nekubira vanhu mari neupfumi vachiti vabvisa zvinhu padzimba dzavo,” vanodaro Mbuya Makumbe.

Mai Ruvarashe Marimbizhike (22), mumwe wemaroja epamba apa, vanotsinhira kuonekwa kwemupurwa uyu.

“Mupurwa wakaonekwa uine chuma newigi wakafa vanhu vachibva vaungana. Panguva iyi, pakazouya vamwe apostle vechechi yemuno vakataura nagogo uye vakapindurwa kuti mupurwa uyu wakaita kukandwa nevavengi. Ivo gogo vacho vakanga vabva kumuporofita uko vakapihwa muteuro wavakasvikopisa pamusiwo vachinzi pamba pavo pane chikara,” vanodaro Mai Marimbizhike.

“Isu semaroja mana pano, hapana chatinoona pakugara kwedu sezvinotaurwa nevanhu.”

VaGeorge Kandiyero

VaGeorge Kandiyero, vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti chitsotsi chekukandwa kwenyanga, nyoka nemipurwa mudzimba dzevanhu chakawanda izvo zvinoitwa nemamwe maporofita nen’anga dzenhema vachida kubira vanhu mari nehumwe upfumi apo vanozoti vanoda kubvisa zvinhu padzimba dzavo.

“Ichi chitsotsi chakare chiri kuitwa nemaporofita nen’anga. Vanhu ngavasabvuma kutorerwa pfuma yavo nemaporofita nen’anga dzenhema idzi. Vanhu ivava vanoendera chembere neharahwa kazhinji sezvo vaine pfungwa dzekuti vakwegura varoyi,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links