Murambatsvina orara nevana pagedhi

02 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Murambatsvina orara nevana pagedhi Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wekuDomboshava anoti ari kuoneswa pfumvu nemumwe mukadzi wemurume wake uyo ari kuuya achimutukirira uye nekurara husiku hwose ari kunze kwegedhi nevana achiti anoda kuona murume uyu.

Nancy Chido audza dare reHarare Civil Court kuti Fadzayi Murambatsvina ari kuuya kumba kwake achipopota kuti ari kumutadzisa kuonana nemurume kuti vataurirane panhau dzekuchegeta vana.

“Ndaneta nekushungurudzwa pamusha pangu pandakazvivakira. Mumwe musi akauya nevana pagedhi ndokuswera achipopota, pedzezvo ndokurara husiku hwose iripo. Akazoenda mangwanani tete hanzvadzi yemurume wangu yatopindira vachiti uri kushungurudza munhu asiriye uye unofanira kutaura nesu hama dzemurume,” anodaro Chido.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakambozama kutaurirana nemurume wangu kuti apedzerane nemunhu wake asi ari kuramba achiti haasisineyi naye. Kana iri nhau yevana, achazoenda kwaanogara, haadi kumuonawo pamba ipapa. Saka ndauya kudare kuti rindibatsirewo ndisatadziswe kugara zvakanaka pamusha pangu.”

Achipawo divi rake, Murambatsvina anoti Chido ari kumutadzisa kuonana nemurume wake.

“Mukadzi uyu pose pandinouya pamba apa anongoti murume wedu haapo iye aripo. Inini ndinodawo chikafu chevana, handiendi kubasa saka ndinenge ndapererwawo,” anodaro Murambatsvina.

Mutongi Tamara Chibindi vanobvunza Murambatsvina kuti anotsvagei pamba pemuridzi.

“Iwewe hauna kodzero yekuenda pamba pemudzimai uyu uchimushungurudza nekuti ari pamba pake, endai munotaurira kure uko! Makasasana mose pamba apa here?

“Makasasanira kupi kusvika pakuzoita vana? Endai kusango ikoko munotaurirana kwete kuuya kuzoshungurudza munhu azvivakira musha wake,” vanodaro mutongi.

Murambatsvina anoti achanosiya vana vake pamba paChido, iye oenda zvake kumusha kwake, achiti nyaya haina kutongwa zvinomugutsa.

Mutongi apa Chido gwaro redziviriro uye anoti kana Murambatsvina akanosiya vana pamba apa, anosungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>