Muroora anonditi ndiri pfambi: Amwene

01 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Muroora anonditi ndiri pfambi: Amwene Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

CHEMBERE inogara kuHwedza inoti muroora wayo anogara achiituka kuti ipfambi yemakoko nekudaro inoda kuti abve pamba payo.

Mbuya Regina Chivasa vaendesa muroora wavo, Shylet Murindagomo, kudare reHarare Civil Court vachiti havachada kuti arambe ari pamba pavo nekuti ari kuvashungurudza zvakanyanya.

“Ngaabve zvake pamba pangu nepemurume wangu mushakabvu,” vanodaro.

Murindagomo anoramba kuti anotuka vamwene vake uye anoti haagone kubva pamba apa nokuti paakatanga kugarapo nemurume wake, akasvika vatezvara vake vaine mumwe mukadzi apo vamwene vake vakange varambwa uye vakazonoroorwa nemumwe murume.

“Handina kwandinooenda nekuti amai ava handivazive uye handina kumbobvira ndagara navo. Vandinoziva mudzimai wemurume wavo wandakasvika ari pamba ipapo, ivo ndakasvika zvichinzi vakarambwa vakadzingwa pamba apa,” anodaro.

Murindagomo aburitsa umbowo hunoratidza kuti akatoendesa magwaro kuhofisi yaMaster of High Court pamusoro pezvekugovewa kwenhaka inosanganisira imba iyi sezvo murume wake akashaya.

Mbuya Chivasa vashamiswa zvakanyanya nemashoko aya vachiti havana ruzivo rwekuti pane magwaro atova kwaMaster of High Court pamusoro pekugovewa kwenhaka.

Izvi zvaita kuti mutongi Sharon Mashavira vakurudzire Mbuya Chivasa kuti vaende kumahofisi aMaster of High Court kunoona kuti nyaya iyi iri kufambiswa sei sezvo kunetsana kwavo kuchikonzerwa nekurwira pfuma yenhaka.

Mbuya Chivasa vaudza dare kuti havana kumbobvira varambwa nemurume wavo mushakabvu uye vakaita vana vatatu vose.

“Iko zvino ndiri kugara kumusha, vana vangu vari kundichengeta ndiri kumusha kuHwedza,” vanodaro.

Mutongi Mashavira varasa chikumbiro chaMbuya Chivasa chegwaro redziviro vachiti nyaya yavo vaiunza kudare risiriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>