Muroora anorova amwene

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
CHEMBERE yekupfuviswa nekugara ichirohwa nekutukidzirwa nemuroora wayo yakazopotera kudare. Edina Mukundu (71) akazvuvira muroora wake, Rugare Mukundu, kuHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare nekurohwa pamwe nekutukirirwa. “Vedare, dai mandibatsirawo negwaro redziviriro kuti muroora wangu andizorodzewo, ndakura uye ndinorwara neshuga neBP. Mwana uyu anondirova uye anondituka asi hapana chandakambomutadzira, kungondivengawo hake asi chaakandivengera handichizive. Inga ndakamuzvarira murume wani?” akadaro Edina.

“Akauya namai vake vakanditenda kumuchengeta kwandakaita kwemakore paakanga ava kuenda kusitendi kwake kwaakawana ndikati ndabuda munyatwa asi anodzoka kumba kuzongondishungurudza saka ndati mundibatsirewo asauye kana kumba kwangu.”

Rugare akaramba zvaitaurwa navamwene vake misodzi iri pamatama achiti ndivo vakatomuvenga nechikonzero chekuti akabereka vanasikana voga uye mumwe wacho akaremara mitezo.
“Changamire, amai vakandivengera kuti ndiri kubereka vanasikana bedzi uye wekutanga wacho akaremara.

‘‘Izvi zvinhu zvavakandiudza pachena kuti pano haugare kana ukasaita mwana mukomana asi haisi mhosva yangu, ndinotodawo mwana mukomana,” akadaro Rugare.

“Amai vane tsika yekuti kumurume wangu imbouya kuzogara kuno kunova kumba kwavo achindisiya ndega nevana. Vanoti unovarairwa nei ikoko usina mwana mukomana zvinova zvinhu zvinondirwadza saka ndikavabvunza vanoti ndavatuka. Handikwanisi kusimudza ruwoko rwangu ndichivarova nekuti ndinovatora saamai vangu ivo vanotozviziva.”

Akati akabva pamba pavamwene vake achinogara kusitendi kwake nekuda kwekushomeka kwedzimba dzekugara.
“Kuti ndibve pamba pavamwene ndichitsvagawo pangu inyaya yekuti amai vakatipa imba imwe chete apa ndine vanasikana vatatu, kusanganisira akaremara. Ndakaedza kuvakumbira imwe imba vakaramba uye nekugarisana kwandaiita navo zvakandipa shungu yekunotsvagawo pangu asi ivo havana kuzvifarira.

“Amai vari kungoda kuputsa imba yangu chete nekuti vakati ndisataure navo asi murume wangu anozozvitambirawo sei,” akadaro Rugare.
Mutongi Barbra Mateko akati vaviri vadzoke kudare apo aizopa mutongo wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>