Muroora Matinetsa onetsana nemadzitete

29 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Muroora Matinetsa onetsana nemadzitete

Kwayedza

Faith Mandizha

MUKADZI wemuguta reHarare wekupomerwa kuda kudzinga hanzvadzi dzemurume wake mbiri pamba pavo akashaya pekupinda mudare apo chikumbiro chake chegwaro redziviriro chakaraswa.
Matinetsa Chiitwe aipomera Fungai naMiriam Kusa mhosva yekumushungurudza.

Asi mutongi wedare reHarare Civil Court, Rutendo Machingura, vakarasa chikumbiro chake ichi mushure mekushaikwa kwehumboo.

“Kubva pakafa murume wangu, hanzvadzi dzake dzinondituka. Mwedzi uno uyu vakauya kwandiri vakandishungurudza pamberi pevandinogara navo tichangodzoka kubva kumariro.
“Vakatanga kundishungurudza muna2014, asi ndakangonyarara sezvo vari hanzvadzi dzemurume wangu,” anodaro.

Asi Fungai anopikisa huchapupu hwaMatinetsa achiti ari kunzvenga kubuditsa pachena chikonzero chakaita kuti vasanzwisisane.

“Takanetsana nenyaya yemwana wake uyo aipomerwa kushinha nehanzvadzi yake asi achiramba kubva pamba.

“Ari kuda kutidzinga tose pamba patakakurira,” anodaro Fungai.

Mirriam anowirirana naye achiti: “Ini ndinobvumirana nezviri kutaurwa nemukomana wangu nekuti Matinetsa ave dambudziko kufanana nezita rake. Tine vamwe varoora vaviri asi iye ndiye ari kunetsa.

“Ari kuda kutidzinga kuti agare imba yacho yose ega.”

Share This:

Sponsored Links