Murume adzingisa mudzimai basa

15 Feb, 2023 - 11:02 0 Views
Murume adzingisa mudzimai basa Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake akamudzingisa basa pachechi paaishanda sezvo aimurova nekuita ruzha apo vamwe vanenge vakarara pakati pehusiku.

Tabhetha Kavhumbura audza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Learnmore Chibika, aiuya paaishanda pakati pehusiku otanga kumurova nekumutukirira nezvinyadzi.

Anoti Chibika akatanga kumurova mugore ra2012.

“Handichadi murume uyu nekuti anogara achindirova, handisisina mufaro. Pose pandagara anonditevera, ondinongedzera nebanga achiti anoda kundiuraya. Ndaneta kudzingwa mudzimba dzatinoroja pamusaka pehunhu hwake.

“Honai ndasvika pakudzingwa basa. Ndoita sei nevana vaasingachengete zvakare?” anodaro Kavhumbura.

Chibika haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Kavhumbura gwaro redziviro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey