‘Murume akandidzinga pamba nevana 3’

04 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
‘Murume akandidzinga pamba nevana 3’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake akamudzinga pamba zvose nevana vatatu kuitira kuti agare akapombonoka nemukadzi waanaye izvo zviri kuona mhuri yake ichidya nhoko dzezvironda.

Jesca Ndagurwa akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Sydney Tonderayi Nyambayo abhadhare US$150 pamwedzi yekuchengeta vana vavo vatatu.

“Baba vevana vane imba yavanopihwa rendi nemaroja, kozouya ivo vanozvishandira vachibata mari inosvika US$350 pamwedzi,” anodaro Ndagurwa

“Ndakadzingwa pamba apa pamwe nevana kuti vakwanise kugara nemudzimai wavainaye, ndikambodzosa vana ndaremerwa asi ndakazovatora mushure mekuona kuti vaishungurudzwa nemudzimai wavo vachinyimwa chikafu,” anodaro

Nyambayo anoti anokwanisa kubhadhara US$20 chete nekuti haasi kuenda kubasa.

“Mudzimai uyu akatiza nevana vangu, handitozivi kune vana vangu, ndinoda kupota ndichivaonawo,” anodaro Nyambayo.

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Nyambayo abvise US$100 pamwedzi nekubhadhara mari yechikoro yevana vake.

Share This:

Sponsored Links