Murume any’ura muduhwino rekanzuru

05 Nov, 2023 - 12:11 0 Views
Murume any’ura muduhwino rekanzuru Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 18 okuberekwa wekuGweru akafira mumvura achiedza kushambira muduhwino rekanzuru yeko apo aida kutonhorerwa zvichitevera kupisa kwakanyanya kwaiita kunze.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti Tatenda Kuvarega akasvetukira muduhwino reGweru Council Swimming Pool nemusi wa28 Gumiguru nenguva dza3:30 masikati ndokubva any’ura.

“Murume uyu aigara kunzvimbo yeLight Industrial Area akanosvetukira muduhwino iri apo aida kuzvitonhodza sezvo kwaipisa musi uyu achiedza kutuhwinha ndokubva atadza kushambira achibva any’ura. Mumwewo munhu aiva padyo, akazosvetukira achida kumubatsira ndokumunyurura, achibva atakurwa kuendeswa kuchipatara cheGweru Provincial Hospital uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana vasina ruzivo rwekushambira vasatambire mumvura.

“Vanhu vose vasina ruzivo rwekushambira kana vachienda padyo nemvura vanofanirwa kuve nenyanzvi dzinogona kushambira,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>