‘Murume wangu anondirambidza kudanana nevamwe varume nhai’

08 Feb, 2024 - 17:02 0 Views
‘Murume wangu anondirambidza kudanana nevamwe varume nhai’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anonzi akatevera aive mudzimai wake kwaainge aroorwa mushure mekumutiza nenyaya yekuti haadi kumubvisira roora.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Lovemore Nyahwa akaendesa Fatima Timothy achiti ane tsika yekuda kumurwisa pese pavanotadza kunzwisisana.

“Mukadzi uyu haagutsikani nemari yandinomupa, anongofunga kuti ndikamupa mari ndine imwe yasara muhomwe izvo hapana. Pamwe pacho anondidhonza mutirauzi wangu kana kudambura-dambura hembe yandinenge ndakapfeka,” anodaro Nyahwa.

“Ndaikumbirawo gwaro redziviriro nekuti ndinotya kuti semunhu wemurume mumwe musi ndikamudzorera ndingazomukuvadza.”

Timothy anotiwo Nyahwa ndiye asiri kuda kusiyana naye.

“Tave nemakore gumi nemana tiri tose uye tine mwana. Hama dzangu dzinotomuziva semukwasha wavo asi haadi kubvisa roora, ndakatomboroorwa kumwe akauya kuzonditora pamusha pandainge ndaroorwa akandidzosa kumba kwedu achiti ndauya kuzotora mukadzi wangu,” anodaro Timothy.

Anoenderera mberi achiti: “Mumwe musi ndakavazadza mbama tanetsana nenyaya iyoyi yekusada kubvisa roora. Ndikada kuti ndidanane nemumwe vanobva vavhiringidza saka ndizvo zvinondipa shungu izvozvo nekuti vari kundipedzera nguva yangu.”

Nyahwa anoti haachada nezvaTimothy nekuti anodanana nevarume vakawanda.

Mutongi Mai Mukwesha vakapa Nyahwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links