Kwayedza
MUMWE muimbi ari kusimukira, Weedman Mtanga (44), anoti musambo weChimurenga wakakosha zvikuru mukuumbiridza tsika nemagariro evanhu vatema. Mtanga (44), uyo anogara kuMabvuku, muguta reHarare akabura dambarefu rake rechina rinonzi Chimurenga Ressurection 1.“Iri rave dambarefu rangu rechina uye ndakapinda munyaya dzekuimba mushure mekuona kukosha kwekuimba uko kwaiitwa nemukoma wangu uyo ave mushakabvu – Mike Mwale – aimboimba naThomas Mapfumo. Mukuimba musambo weChimurenga, tinoshandisa mbira, ngoma, hosho, magitare nezwi rakakwenenzverwa izvo zvakakosa zvikuru mutsika nemagariro edu sevanhu vatema,” anodaro Mtanga.
Dambarefu remuchinda uyu rine nziyo pfumbamwe dzinoti Mwari Wakanaka, Vana Vapera, Tarira, Nhamo, Simukai, Chirimunyemba, Wako Ndewako, Maidei naMambo.
“Pane kambo kanonzi Mwari Wakanaka ndinoda kuratidza kuti kunyangwe tichiimba nziyo dzechivanhu Mwari vari kudenga vanokudzwa nemasvikiro epasi. Kuchizoti mune kanonzi Vana Vapera ndinoreva kupera kuri kuita vanhu nekuda kwechirwere chegomarara uyewo nekuti patorwe matanho akasimba kuti varwere vayamurwe,” anodaro.
Anoti pakarwiyo kanonzi Maidei anoimba pamusoro pekurwadziswa kunoitwa vanhu murudo apo vanonyengedzwa nevadikani vavo vavanenge vakaperera pavari.
Mamwe madambarefu matatu aakabura mumakore adarika anoti Vana Vapera, Mandiurayisa naNgoma Yorira.