‘Musangomirira kuitirwa zvose’

02 Nov, 2020 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vari kukurudzirwa kutsigira vana vavo nemidziyo inodzivirira kutapurirana chirwere cheCovid-19 muzvikoro inosanganisira mamasiki sezvo kurwisa denda iri risiri basa reHurumende chete, asi remunhu wose.

Kurudziro iyi yakaitwa nevabereki muhurukuro neKwayedza zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro muchikamu chechipiri (Phase 2) nemusi weMuvhuro.

VaEdwell Chitiyo vemuHarare vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire vana vavo nemamasiki nemasanitiser kuti vazvidzivirire Covid-19.

“Kudzivirira Covid-19 muzvikoro handi basa reHurumende bedzi, zvinoda mukomberanwa. Mubereki handione pane chinonetsa kugara pasi wosona masiki yemwana wako nekumupawo kabhodhoro kesanitizer nekuti kuchikoro zvinogona kushaikwa. Ngatiregedzei kusiira mutoro wose kuHurumende nekuti vana ndevedu uye kana vakarwara kuzvikoro ikoko nesuwo tinorwarawo.

“Ndinokurudzira kuti varairidzi nevana vavhenekwe chirwere cheCovid-19 kuti kana paine anacho ambogara kumba kwete kusangana nevamwe,” vanodaro.

Mai Anna Zhakata vekuGlen View, muHarare zvakare, vanoti dzidzo inotangira kumba, nokudaro vabereki vanofanirwa kudzidzisa vana vavo nyaya dzekushambidzika mukurwisa Covid-19 kuitira kuti pavanenge vava kuchikoro vasazosangana nematambudziko anokonzerwa nehuchapa.

Kuchiti Mai Joyleen Nyachuru, avo vanova community liaison officer kusangano reCommunity Water Alliance kuGlen View Area 8, vanotiwo kuwaniswa kwemvura yakakwana muzvikoro kunobatsirawo.

“Kuno tine chibhorani chakakura kwazvo chinoshandisa simba remagetsi anobva muzuva icho chinowanisa mvura kunharaunda kusanganisira zvikoro. Vana vanokwanisa kugeza maoko avo uye vashandi vepachikoro vachiwanawo mvura yekugeza zvimbuzi,” vanodaro.

Mai Nyachuru vanoenderera mberi: “Utsanana uhwu hunobatsira mukurwisa zvimwe zvirwere zvemanyoka secholera, typhoid nedysentery izvo zvinowanzobata vanhu munguva yekupisa.”

Mai Sipelile Mugumbate vekuMberengwa vanoti zvikoro zvekumaruwa zvichiri kuda rubatsiro sezvo zvakanyanya kusaririra kubvira pamidziyo yekushandisa uye ruzivo pamusoro peCovid-19.

“Vadzidzi vemumaguta vari nani nekuti vanombowaniswa mamasiki mune zvimwe zvirongwa zvinoitwa nevatsigiri, asi kumaruwa zvishoma. Vana vari kunetseka kuwana mamasiki akasonwa zvekuti dzimwe nguva mwana anozofunda akasunga jira.

“Panofanira kuitwa ongororo yekuti midziyo inenge yapihwa ichinzi ndeye vana muzvikoro kuti vadzivirire Covid-19 yasvika kwavari yakakwana,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neKwayedza mune zvimwe zvikoro zviri kuChitungwiza nemuHarare inoratidza kuti vana nevarairidzi, kunyanya muzvikoro zvakazvimiririra, havasi kupfeka mamasiki sezvinokurudzirwa nemutemo.

Hurumende yakaisa padivi mari inosvika $600 miriyoni yekutenga midziyo yekushandisa mukurwisa chirwere ichi muzvikoro uye mamwe mapoka akazvimirira ari kubatsirawo panyaya iyi.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO, rinoti zvakakosha kuti veruzhinji – kusanganisira muzvikoro – varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO, vanoti veruzhinji havafanirwe kuvarairwa panyaya dzekumisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>