‘Musatsimbirire matarenda evaimbi’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Musatsimbirire matarenda evaimbi’

Kwayedza

MUIMBI wemisambo yechitendero nenziyo dzechivanhu anoti vaimbi vakawanda vachiri kusimukira vari kusangana nedambudziko guru rekushaya rutsigirwo izvo zviri kudzosera shure budiriro yematarenda avo.

Thomson Menson (48) – uyo akabura dambarefu rake idzva rinonzi Tsotso – anoti vaimbi vachiri kusimukira vanoda kutsigirwa kuti vasvike pachidanho chine vamwe avo vava nemukurumbira.

Murume uyu anoti ave nemakore akawanda achishanyira nhepfenyuro dzakasiyana achida kuti varidze dzimwe dzenziyo dzake pasina chimuko.

“Sevaimbi vachiri kusimukira, tinobudirira bedzi nekushambadzwa kwemabasa edu zvino kana venhepfenyuro nevemapepanhau vakatsimbirira basa redu vachingobudisa revashoma vagara vaine mbiri ko isu mbiri yedu nehunyanzvi hwedu zvinozoonekwa nani? Tinoramba takarasirwa kudurunhuru zvisinei nekuti tine zvipo zvakakomba.

“Kuti tiwane vatsigiri nevanozoda kutengesa mimhanzi yedu hunge mabasa edu ayanikwa pachena,” anodaro.

Meson anoti akatanga kupinda mune zvemimhanzi mugore ra1996.

Dambarefu idzva remuimbi uyu rine nziyo nhanhatu dzinoti Chin’ai, Munogona, Mwana Ngaateerere, Taurai Chokwadi, Tsotso naChapedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>