Musungwa tasa mu’court’

11 Apr, 2022 - 17:04 0 Views
Musungwa tasa mu’court’ Nomusa Maseko

Kwayedza

Danisa Masuku

KUTONGWA kwemhosva mudare kwakambomiswa paBulawayo Western Commonage, kuBulawayo zvichitevera kufenda kwakaita mumwe mukadzi paitongwa nyaya yake.

Nomsa Maseko akafenda apo aive amiswa pamberi pemutongi Shepherd Mnjanja achipomerwa mhosva yekurova muvakidzani wake.

Akadonhera pasi izvo zvakashamisa vanhu vaive mudare iri zvikaita kuti vanoita basa rekuchengeta vasungwa vamhanye kumubatsira.

Basa rekutongwa kwenyaya rakambomiswa kwechinguva apo vanhu vaimhanyidzana vachida kuona Maseko achitadza kufema zvakanaka uye ndokuzofenda.

Vanochengeta vasungwa nemapurisa vakazotora Maseko ndokuenda naye pakamba duku iri padare iri uye ndokumuradzika muhofisi apo akazobengenuka.

Kwapera maminitsi mashoma, Maseko akamiswa zvakare pamberi pemutongi Mnjanja.
Anoramba mhosva yaari kupomerwa uye ndokunzi adzoke mudare munguva pfupi iri kutevera apo achatongwa achibva kunze.

Maseko ari kupomerwa kurova muvakidzani wake Tadiwanashe Mariridza muviri wose zvikaita kuti abude ropa zvakanyanya mushure mekunge vapopotedzana.

Mariridza akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Maseko asungwe.

Share This:

Sponsored Links