‘Mutemo unochengetedza vana wakanaka’

17 Jan, 2024 - 16:01 0 Views
‘Mutemo unochengetedza vana wakanaka’ Muzvare Ekenia Chifamba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira kodzero dzevana ari kurumbidza mutemo mutsva uyo unorambidza kupinda murudo kana kushinha nemunhu ane makore ari pasi pe18 okuberekwa uye anobatwa nemhosva yerudzi urwu anogara makore 10 mujeri.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa svondo rapera vakashandisa masimba avo pasi pemutemo wePresidential Powers (Temporary Measures) Act kuti paburitswe gwaro reStatutory Instrument 2 of 2024, the Presidential Powers (Temporary Measures) (Criminal Laws (Protection of Children and Young Persons)) Regulations, 2024.

Izvi zvinoreva kuti zera rekubvuma kuenda pabonde rave pamakore 18 okuberekwa kwete 16 sekare apo mutemo uyu waive usati wavepo.

Kwayedza inoita hurukuro nemamwe masangano anomirira kodzero dzevana ayo ari kupembedza danho iri achiti richabatsira mukuchengetedzwa kwevana.

Chipo Mahamba

“Tinofara zvikuru nezvakaitwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa nekuti donzvo ravo guru nderekuchengetedza vana vanova nhaka yemangwana. Mutemo uyu usati wavapo, nyaya dzakawanda dzakakundikana kupinda mumatare edzimhosva nekuda kwekuti paisava nechikamu chemutemo chakakodzera kuti mapurisa vavhure madhoketi, zvikuru kana isiri mhosva yechibharo nekuti mutemo waivapo waipa mikana yekuti vana vane makore 16 vange vachibvuma bonde zvisinei nekuti vanhu vasati vabva zera,” vanodaro Mai Chipo Mahamba vanova executive director wesangano reVana Vedu Trust.

Muzvare Ekenia Chifamba, executive director weShamwari Yevanasikana, vanotiwo: “Tinofara kuti makore ekubvuma bonde neekuroorwa zvose zvava pa18. Pamakore 16, mwana anenge achiri kuenda kuchikoro achida rutsigiro rwevabereki nokudaro kubvuma kwavo bonde kunobva mukufuririka, kudhakiswa nekutengwa nemari, pakati pezvimwe, asi kusiri kuda kwavo. Tinoona vanasikana vazhinji vachizochema nekufamba kwenguva zvisinei nekuti vanenge vambotsigira musungwa vachiti vaive murudo asi vachizosiiwa.”

Vimbainashe Mutendereki

Vimbainashe Mutendereki, anova executive director wesangano reMusasa Project, anoti vanasikana nevanakomana vanoda kuchengetedzwa nemutemo.

“Tinofara nedanho rakatorwa neHurumende nekuti mhirizhonga dzepabonde dzainge dzowanda asi iko zvino vanhu vakaziva kuti makore gumi mujeri kana uchinge wambunyikidza pwere vanotyira kure zvichiita kuti vana vawane mikana yekukura nekupedzawo dzidzo yavo zvakanaka uye zvichibatsira mubudiriro yenyika,” anodaro.

Mai Chikanda vemuHarare vanotiwo: “Hurumende yakaita basa zvikuru nekuti vana vanga vari kumbunyikidzwa vachingofira mhosva yekuti vabvuma asi hationi kuti kune chinhu chaibvumwa nevana vane makore 16 nekuti vanenge vasati vakura mupfungwa.”

Yeukai Mandizera, uyo anoita basa rekutengesa mbatya muguta reHarare, anoti wanano nepwere idambe chairo.

“Unoona munhu achifamba nendumurwa ine zera nemwana wake achiti mudzimai wake. Vamwe varume havanyari. Tinofara nemutemo uyu nekuti kana vanhu vakasungwa vanoziva gwara,” anodaro.

Bishop Causemore Mangena.jpg

Bishop Causemore Mangena vechechi yeApostolic Faith Mission muHarare vanoti vanofara nemutemo mutsva uyu.

“Handina tarisiro yekuti murume mukuru ange achitora mukana wekushungurudza mwanasikana nekuti zvinorwadza uye zvinotyisa. Vanasikana vanokurumidza kuyaruka saka mikana yekumitiswa nemadhara ane utsinye inokura nekuti vanenge vachiona miviri yavo sevakura nyambisirwa pazera nemupfungwa vachiri pwere.

“Mitemo ngaichengetedze vana uye veruzhinji ngatiishandise nemazvo pane kuti tinowanikwa tava kupa mari dzechiokomuhomwe kumapurisa kuti vasungwa vasiiwe nekuti chirango chemakore gumi hachisi chekutamba nacho. Tinoziva zvinoitika izvozvo kune vaye vasina mwoyo yekubereka,” vanodaro.

Taisekwa Dhliwayo anoti ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevana.

Share This:

Sponsored Links