Mutemo wekuchengetedza vanoshandisa dandemutande

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Mutemo wekuchengetedza vanoshandisa dandemutande Kumbunyikidzwa padandemutande

Kwayedza

Fourie Revai 

MUTEMO wekuchengetedza vanhu maringe nezvinyorwa zvepadandemutande rinosanganisira WhatsApp, Facebook, Internet kana Twitter  wakakosha zvikuru sezvo ruzivo urwu rwava kushandiswa nevanhu vakawanda.

Vashandisi veruzivo urwu vanokurudzirwa kuti zviitwe vanhu vaine ruzivo rwekuti vasatyora mitemo mukufambiswa kwemashoko.

Kune vamwe vanohwandisa mazita avo kana mifananidzo vachitora mukana uyu kuti vange vachipara mhosva padandemutande.

Dzimwe dzemhosva dzinoparwa padandemutande dzinosanganisira kushorana kana kushungurudza vamwe nenzira yepabonde chaiyo.

Mupari wemhosva anogona kushandisa Internet kana e-mail kutumira mashoko kuvanhu kana zvikwata zvevanhu nenzira inovadzikisira.

Nekuda kwekuwanda kwemhosva dzerudzi urwu, Hurumende yakaita kuti pave negwaro rinofanirwa kuzodzikwa semutemo reCyber Security and Data Protection Bill nomusi wa15 Chivabvu, 2020.

Chinangwa chikuru chegwaro iri kuderedza kuparwa kwemhosva dzerudzi urwu uye kuchengetedzwa kwevanhu kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino. Kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu uku kuri mubumbiro remutemo wenyika.

Gwaro remutemo uri kugadzirwa uyu rinobatsira kuti paitwe ongororo nekuunganidzwa kweumboo uye kurambidzwa kwekushandiswa kwezvimwe zvisingabvumidzwe kuonekwa zviri padandemutande.

Nyika dzinosanganisira South Africa neZambia dzatove nemitemo yerudzi urwu inochengetedza kodzero dzevanhu maringe nekushandiswa kwedandemutande.

Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23) unotaura nezvekushandiswa kwemakombiyuta nekuparwa kwemhosva. Kushungurudza vamwe kuburikidza nedandemutande rakadai seinternet imhosva uye izvi zvinogona kuitwa panharembozha nekombiyuta, pakati pezvimwe.

Zvakakosha kuti vapari vemhosva vatongwe zvakasimba, wese anobatwa nemhosva dzerudzi urwu pasi pemutemo uyu anogona kupihwa chirango chekubhadhara faindi isingadariki chikamu chegumi (Level 10) uye pari zvino faindi yacho iZWL$24 000 000.00 kana kugara mujeri kwemakore asingadariki gumi.

Dzimwe dzemhosva huru dziri kuparwa dzinosanganisira kutumirana mifananidzo kana mavhidhiyo munhu asina kupfeka kana kufambisa mifananidzo yemudikani wako asina kupfeka (revenge pornography) nechinangwa chekumudzikisira nekuti munenge manetsana pahuviri hwenyu.

Gwaro reCyber Security and Data Protection Bill richiri pakati pekuzeyewa mudare reNational Assembly uye Hurumende iri kukurudzirwa kuti mutemo uyu uzokumikidzwa nekukasika nechinangwa chekuti ushande nemazvo sezvo pari zvino vapari vemhosva vazhinji vasiri kurangwa.

Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti  [email protected]  kana panhare +263782 900 900/+263776 673 873.

Munogona zvakare kutumira panhamba yeToll free inoti 08080131 kana malandline(s) +263242 708491/+2630242 ne706676.

Rangarirai kupfeka mamasiki enyu nguva dzose uye kugeza maoko nekuregedza kuungana kuitira kuti mudzivirire chirwere cheCovid-19.

Dzimwe dzemhosva huru dziri kuparwa dzinosanganisira kutumirana mifananidzo kana mavhidhiyo munhu asina kupfeka kana kufambisa mifananidzo yemudikani wako asina kupfeka (revenge pornography) nechinangwa chekumudzikisira nekuti munenge manetsana pahuviri hwenyu.

Share This:

Sponsored Links