Mutengo mutsva wegorosi waziviswa

04 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Mutengo mutsva wegorosi waziviswa Hurumende yakazivisa mutengo mutsva wegorosi remwaka wemuchando wa2023 uyo unove US$520.25 patani

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakazivisa mutengo mutsva wegorosi remwaka wemuchando wa2023 uyo unove US$520.25 patani uye uchibhadharwa nechikamu (rate) re75:25 (USD:ZWL).

Mutengo wegorosi wakange wamboziviswa panguva yegadziriro yekudyara waive US$520 patani.

Pakutenga gorosi richipinda munyika, mutengo wacho uri pakati peUS$344 neUS$462 patani.

Vachitaura nemusi weMuvhuro pakuziviswa kwemitengo iyi, gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti mitengo iyi yakanaka zvikuru sezvo ichibatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika zvichiita kuti ive nekudya kwakakwana.

“Mitengo yatiri kuzivisa iyi inofambirana nezviri mumagwaro emutemo ari maringe nenyaya dzezvemitengo, zvimwe chetezvo neyechibage apo tinotarisa zvinhu zvakashandiswa nemurimi kudakara goho razovapo. Mutengo wepakati nepakati wechibage pamatani 4,8 pahekita, unotariswa uine chikamu che15 percent chepamusoro. Varimi nevatsigiri vechirimwa chegorosi vakapawo pfungwa dzavo zvikaonekwa kuti chikamu che80 pecent chezvinhu zvinodiwa mukurima gorosi panoshandiswa mari yekunze yeUnited States dollars,” vanodaro Dr Masuka.

Dr Masuka

Vanoti dura reGrain Marketing Board (GMB) richatenga gorosi rese rakarimwa nerutsigiro rwechirongwa chemutungamiriri wenyika chePresidential Input Programme nekuvarimi vakazvimiririra uyewo varimi vemakondirakiti vanogona kusarudzawo kutengesa goho ravo kuGMB.

Gore rapera, Zimbabwe yakaita mukurumbira apo yakawana goho rematani 375 000 egorosi zvinova zvinobatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zvebudiriro munyaya dzeupfumi zveVision 2030.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>