Mutoriro: Vechidiki voibopa nekumuswe – hazvibude

20 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Mutoriro: Vechidiki voibopa nekumuswe – hazvibude VaIgnicious Murambidzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

DAMBUDZIKO rekurasika njere, kunyanya kune vechidki, rinonzi riri kukura mazuva ano nekuda kwekatsika kekutora zvinodhaka.

VaIgnicious Murambidzi vanova director wesangano rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Association of Mental Health (ZIMNAMH) vanoti pane zvikonzero zvakatsaukana zvinokonzera munhu kuti arasike njere.

VaMurambidzi – avo vakaita zvidzidzo zveutano hwepfungwa – vanoti zvikonzero zvekurwara nepfungwa zvinosiyana pamunhu nemunhu.

“Dambudziko rekurwara nepfungwa rakagara ririko kubva kare sezvimwe zvirwere zvatinoziva. Asi pari zvino rakura mune vechidiki nekuda kwekutora zvinodhaka zvakaita semutoriro, mbanje, cocaine nezvimwe.

“Tinoona kuti kumwe kurasika kwepfungwa kunokonzerwa nemagariro evanhu, vamwe vana vanokura vachishungurudzwa zvakanyanya zvinoita kuti pfungwa dzirasike, kusiiwa munhu achigara oga kwenguva refu zvakare kunoita kuti pfungwa dzirasike uye kusarudzwa nevamwe kunokonzerawo dambudziko iri.

“Nhamo chaiyo ikakumomotera kana kuita zvikwereti zvausingagone kubhadhara munhu anogona kubatwa nechirwere chepfungwa,” vanodaro VaMurambidzi.

Vanotiwo zvimwe zvinokonzera dambudziko repfungwa kufirwa nehama dzepadyo munhu achisara oga kana kusagadzikana kwepfungwa kwenguva yakareba.

“Munhu akarwara kwenguva refu pasina kupora anogumisirawo ava kufungisisa zvinokanganisa pfungwa dzake. Kushaya pekugara chaiko kunokonzerawo kurasika kwepfungwa kana kuita tsaona uchikuvara musoro,” vanodaro VaMurambidzi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kune madzinza anozivikanwa nekurasika pfungwa zvinokonzerwa nema’genes’ avo yatinoti schizophrenia. Vanhu vanorwara nepfungwa vanhuwo sesu saka vanoda kubatwa zvakanaka vachirapiswa uye vane kodzero yekugara zvakanaka.”

Asst Comm Nyathi

Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vanova mutauriri wemapurisa munyika, vanoti dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki ndiyo honzeri huru yekurasika pfungwa.

“Vana vapera kurasika njere nekuda kwekutora zvinodhaka. Semapurisa, tiri kusunga vose vanotengesa zvinodhaka zvakaita semutoriro kana cocaine,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Bishop Heavington Matika Takaendesa Samuronda (33) vechechi yeSt Angels Apostolic Church, avo vanozivikanwa nekubatsira vanhu vanorwara nepfungwa, vanopawo pfungwa dzavo.

“Vamwe vanosema nekutiza varwere vepfungwa asi ini ishamwari dzangu nekuti ndinovanamatira. Muno muDZ Extension ndiri kutora vanorwara ndichivanamatira uye kurasika njere kunobva muzvinhu zvakasiyana muvanhu,” vanodaro Bishop Samuronda.

Share This:

Sponsored Links