Kwayedza
SHAVA MAZARURA
Maita Shava,
Mazarura,
Mwana waRwizi mukonde,
Vemadzure,
Muti mutema Chitungwiza,
Maita Mazarura,
Mukombe wendye,
VokwaNyangenyange,
VokwaMuchenje wachuru,
Vari Madzure mukonde,
Aiwa zvaitwa Mazarura.
Mwana waRwizi.
A. C. Hodza: Department of African Languages