Mutupo

15 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Mutupo Nhewa Simboti

Kwayedza

Nhewa Simboti

MWAITA Nhewa, ingwe ine mavara,

Mwazviita Simboti,

Chiruka, Nyakuzvibatira,

Chikatsa, WaMuteyi,

Mwaita wari Kutsoka.

Chirukamachira, wari Mundimu.

Wanorima Nhewa,

Mhondi inopondera pachena.

Pasina kana negwenzi.

Mwaita wari kuChai,

Sanyanga, Buka iwe.

Waita mwana waNyamaruodzo,

Akapinda mubuwe nembwa dzake.

Mwaita wari Tezi.

Mwazviita Nyamuteyi,

Tatenda muTawangwena muSena.

Aiwa zvaonekwa Nhewa: Simboti

A.C Hodza – UZ Department of African Languages.

Share This:

Sponsored Links