Mutupo: Gwai Gumbi

12 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Mutupo: Gwai Gumbi Gwayi

Kwayedza

Maita Gwai,

Chinhove changu chichi,

Vane chuma chisingaverengwi,

Vakatorerwa umambo namabvakure,

Isu hanzvadzi tikashaya,

Vane imba yakazvarwa muRungu.

Maita Hwai yangu yiyi,

Ikachema kunofa dangwe,

Ukaidya unopera mazino.

Maita vokwaChinhove change chichi,

Vanofa chihwaihwai.

Maita zvenyu vari Ruvamba,

Vari Mharamasimbe.

Kuziva zvenyu vari Manyewe,

Vari Baramhanza.

VokwaMabvudzikuwanda.

Mazhinji ndoazere tsine.

Tatenda vari mburwi,

Chakatyoka chiramwa ndochadaidze wacho,

Mhodzi yefodya kubarika panomera imwe.

Zvaitwa Gondo,

Zvaitwa Gumbi,

Zvaitwa Gwai,

Maita Usanga, maita Chuma,

Vari Mhondoro, tatenda Chinhove change chichi,

Zvaonekwa vari Doworo,

Maita mwana waGora,

Aiwa zvaonekwa Gwai rangu riri.

A C Hodza – Department of African Languages: University of Zimbabwe

Share This:

Sponsored Links