‘Muvakidzani anonditi ndiri chitunha’

31 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
‘Muvakidzani anonditi ndiri chitunha’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE musikana akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti aneta nekutukwa nemudzimai anoshanda pedyo naye achimuti ane chirwere uye anogona kungodonha akafa nekuti “chando” chiri kufamba.

Nyasha Katsande anoti Elizabeth Gogo ari kumushungurudza zvakanyanya nekumubvisa chimiro pamberi peveruzhinji.

“Mumwe musi akanditi ndichifamba neshamwari yangu ndokubvunza mwana wake kuti pavasikana vaviri avo angaita chirwere ndeupi, vakatanga kuseka ndokunongedzera ini. Mambo wangu, handisisina chimiro munharanda yandinogara nekuti anotaura zvakawanda pamusoro pangu,” anodaro Katsande.

“Pamwe pacho anotuma hama dzake kuti dzizotaura mashoko aya pamberi pangu, kunyanya waanoti mainini vake. Mumwe musi ndakavanzwa vachitaura kuti hona piritsi ramuramba ndosaka ari kuramba achidzikira muviri wake changove chando uye izvi vanozviita vanhu vachinzwa.”

Achipawo divi rake, Gogo anoti zvose zvataurwa naKatsande ndezvekunyepa asi kuti iye ndiye anomuti anoroya.

“Mumwe musi ndakamunzwa achirambidza kamwe kamwana kusvika pandiri achiti usaende pana amai avo vanoroya. Nyaya iyi yakazoperera kumapurisa akatokumbira ruregerero kwandiri,” anodaro Gogo.

“Kunetsana uku kwakatanga apo ndakavaka tuckshop padivi peyake achiti ndisatengese zvinhu zvakafanana nezvake.”

Katsande anoti zviri nani kuzvitaurira oga kuti ane chirwere pane kufamba achishambadzwa nemumwe munhu pasina mvumo yake.

“Handisi kuzvifarira zviri kuitwa naamai ava nehama dzavo,” anodaro

Mutongi Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Katsande gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>