Muzukuru adimbura tete musoro nedemo

24 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Muzukuru adimbura tete musoro nedemo Dare

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekuBuhera ane makore 25 ekuberekwa achapedza hupenyu hwake hwese ari mujeri mushure mekubatwa nemhosva yekutema vatete vake nedemo zvekusvika pakuvadimbura musoro ndokuzousasika pamoto nechikonzero chisati chazivikanwa.

Admire Kimbini wemubhuku raMuchapararwa akamiswa pamberi pemutongi Justice Isaac Muzenda vedare guru reMutare High Court nemhosva yekuponda.

Muchuchisi aive VaMalvern Musarurwa.

Humhondi uhwu hwakaitika muna2022.

Dare rakaziviswa kuti Kimbini akatema vatete vake, Merry Maingire, katatu nedemo — kamwe chete pahuma nekurudyi kwemusoro uye nepachipfuva — zvakaita kuti vabve vangofira ipapo.

Mutumbi wavo wakawanikwa uzere ropa uye musoro wainge wakasasikwa pamoto.

“Nomusi wa14 Chivabvu 2022, Kimbini akatema  Maingire kakatu nedemo achibva afa pakarepo. Mutumbi wake wakaendeswa kumochari yeMurambinda Mission Hospital uko Dr Gutsire vakatsinhira kuti ainge afa. Nomusi wa26 Chivabvu, 2022 kuParirenyatwa Group of Hospitals muHarare, Dr Yoandry Olay Mayedo vakaita ongororo yemutumbi uyu zvikabuda kuti mushakabvu akafa nekuda kwekukuvara zvakanyanya muhuropi nemumusoro,” vanodaro VaMusarurwa.

Mumwe wevafakazi, Sophia Mapani, anova vamwene vemufi anoti vakaziviswa nemwana ane makore matatu ekuberekwa (zita rinochengetedzwa) kuti Kambini akange ari kutema Maingire nedemo.

Mapani akabva amhanya kuenda kwainge kuchiitikira mhirizhonga iyi akasvikowana mutumbi waMaingire urere pasi wakazara ropa uye musoro wake uri pachoto.

Rimwe bvudzi rake rainge ratsva zvishoma uye blouse rakazara neropa.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Kambini asungwe uye demo raakashandisa kutemesa mushakabvu rakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links