Kwayedza
Phillipa Mukome-Chinhoi
MURUME wemuHarare achema-chema mudare achiti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudzwa nemuzukuru pamba pevabereki vake.
Sandy Sande akaendesa Peter Ndoro, uyo anove muzukuru mwana wehanzvadzi yake, kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa mufaro pamwe nekufurufusha vamwe vana vaanogara navo.
“Mwana uyu ave kutofunga kuti kugara kwaari kuita naamai vake pamba pevabereki vangu atove nesimba rekutitonga tose pamba apa. Anonditukirira nemazwi asina kururama, haandikudze sasekuru vake uye anorova vana pese-pese. Hatichina mufaro pamba apa nekuda kwake,” anodaro Sande.
Ndoro haana kuenda kudare.
Mutongi Nyasha Marufu vakapa Sande gwaro redziviriro.