Muzvinhabhizimisi osimudzira kurima

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Muzvinhabhizimisi osimudzira kurima

Kwayedza

MABASA ekurima neimwewo budiriro zvinotarisirwa kusimukira zvikuru kudunhu reMhondoro zvichitevera rubatsiro rwemumwe muzvinabhizimisi anova chizvarwa cheko uyo ari kucheresa zvibhorani pamwe nekuvandudza madiridziro akange asisashande.

VaGeorge Gangarahwe (35), avo vanobva kwaKaseke kwaShe Chivero, vanoti ishungu dzavo kuona dunhu ravakaberekerwa richibudirira semamwe munyaya dzekurima.

“Inyaya yekudzosera kwandakabva nekuti handigone kuita mbiri kune mamwe mativi kwandinobva kusina chandakaita. Ndakakurira kuMhondoro saka ndiri kuita zvakawanda zvekuti dunhu redu ribudirire. Ndine madiridziro andiri kuisa mapombi ekudhonza mvura kwaMadzongwe, ndiri kucheresawo zvibhorani nekugadzira zvakafa. Izvozvi ndine hurongwa hwekutaura nemadzishe nemasabhuku kuti tigadzire mugwagwa weSkyline-Mubayira-Chegutu uyo unozivikanwa nembiri yekuipa,” vakadaro.

Vanoti minda yekudiridzira yeMadzongwe ine makore akawanda ichitadza kushanda zvakanaka nekuda kwekushaya mapombi akakodzera ekudhonza mvura.

“Minda iyi ichasimudzira zvikuru mabasa ekurima kunharaunda yose yekwaMadzongwe nedunhu reMhondoro,” vakadaro.

Muzvinhabhizimisi uyu anoti zvakare ari kubatsira mukuvandudza madhibhi akange asisashande mudunhu iri.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo, vakatenda VaGangarahwe nebasa guru raviri kuita rekusimudzira budiriro munyaya dzakaita sekurima mudunhu ravo.

“Tine mashoo ekurima atinoita muno ari kutsigirwa nemurume uyu kusanganisira yekuMhondoro North, Mubayira nedzimwewo apo anopa midziyo inopihwa vakunda yakaita sengoro nemabhara,” vakadaro.

VaGangarahwe vane makambani anoita zvekuvaka anosanganisira Dothel Investments, Zimbabwe Excellent Plumbers, Tag Construction, neGeorge Civils.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>