‘Mvura icharamba ichinaya’

13 Jan, 2022 - 14:01 0 Views
‘Mvura icharamba ichinaya’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mvura icharamba ichinaya kunzvimbo zhinji dzenyika.

Ongororo yakaitwa nebazi iri inoratidza kuti mvura icharamba ichinaya munzvimbo zhinji dzeZimbabwe kubva musi weMuvhuro svondo rino zvichienda mberi.

“Mudunhu reHarare muchange muine makore akawanda kuchinaya mvura ine mutinhimira uyewo kumatunhu anoti Manicaland kuMidlands, Matabeleland North nekuMashonaland kuchange kuine mvura yakawanda zvakare,” inodaro MSD.

Bazi iri rinoti kuchange kuchidziya kune dzimwe nzvimbo kuchizotanga kunaya uye kumatunhu anoti Bulawayo, Matabeleland South nekuMasvingo kuchanaya mvura yakasimba sedzimwe nzvimbo dzose.

“Kune dzimwe nzvimbo dzakapararira nenyika kuchanaya mvura ine mupande kwambotanga kwakadzikama kubva mangwanani kusvika manheru kuchizonaya mvura yakawanda,” inodaro MSD.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasayambuke nzizi dzizere sezvo zviine njodzi yekuyeredzwa kana kurumwa nemakarwe nezvimwe zvikara zvemumvura.

“Kunyangwe kusinganaye mvura, vanhu vanofanirwa kungwarira mvura inonaira kumusoro kwenzizi ichidzika nzizi dzazara. Saka iyambiro kuvanhu vanofamba netsoka kana nedzimotokari kuti musashandise migwagwa yakavharwa nemvura, zvikuru munguva yehusiku,” inodaro MSD.

Bazi iri rinokurudzirawo kuti migero inofambisa mvura igare ichibviswa marara nezvimwe kuitira kuti ifambe zvakanaka isaungane mumigwagwa.

“Ngatigarei tichiziva mamiriro ekunze nguva dzose, toronga zvinhu zvedu tiine ruzivo,” inodaro MSD.

Share This:

Sponsored Links