Mvura zhinji ichanaya: MSD

29 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
Mvura zhinji ichanaya: MSD Mvura kunaya

Kwayedza

Tina Musonza

MU\IMBABWE munotarisirwa kunaya mvura yakawanda zvekudzika kudarika 50mm iine kupenya kwakanyanya nechimvuramabwe mune mamwe matunhu kubva nhasi China kusvika neChipiri vhiki rinotevera, rinodaro bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD).

Mvura iri kutarisirwa kunaya mumatunhu anosanganisira Harare, Bulawayo pamwe nematunhu ose eMashonaland, Matabeleland North, kuchamhembe kweMidlands nekuchamhembe kweManicaland uye ichizowedzera kunaya kuMatabeleland South neMasvingo svondo rinouya.

MSD inoti hore yemvura inotarisirwa kutanga kupinda munyika kubva nekuZambia kuburikidza nematunhu ose eMashonaland nhasi.

“Izvi zvinofanirwa kupararira zvishoma nezvishoma zvichienda kuMatabeleland North, kuchamhembe kweMidlands, kuchamhembe kweManicaland, Bulawayo Metropolitan neHarare Metropolitan zvichipinda mugore idzva, kuine makore anotarisirwa kuwedzera kunaya kwemvura kumatunhu eMatabeleland South neMasvingo musvondo rekutanga raNdira.

“Saka nzvimbo zhinji dzenyika dzinofanirwa kunaya mvura panopera svondo rekutanga raNdira,” inodaro MSD.

Veruzhinji vanoyambirwa kuti vazvichengetedze kuti vasarohwe nemheni uye kubva kumvura inenge iine dutu nechimvuramabwe nekugara mudzimba panguva yemabhanan’ana kunze kwekunge paita matambudziko anoda rubatsiro rwechimbi-chimbi

“Tapota chenjererai mumigwagwa nekuti kuona zvakanaka kunogona kudzikiswa uye panogona kunge paine njodzi dzemafashamu. Musaedze kuyambuka nzizi dzakazara netsoka kana nemotokari,” inodaro MSD.

Share This:

Sponsored Links