Mwana (9) apasa Grade 7 . . . ane njere dzisiri dzezera rake . . . onzi ireza chaiyo muchikoro

11 Feb, 2022 - 12:02 0 Views
Mwana (9) apasa Grade 7    . . . ane njere dzisiri dzezera rake  . . . onzi ireza chaiyo muchikoro Tinotenda Manyemba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA mukomana ane makore mapfumbamwe okuberekwa, uyo ane njere dzakapinza zvakanyanya wekuEpworth, akaita chishamiso chikuru apo akanyora bvunzo dzeGiredhi 7 gore rapera akabuda ne13 units.

Tinotenda Manyemba akacharikiswa mamwe magwaro nekuda kwekugona kwake muchikoro.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzinoona nezvenjere (IQ Tests) panaTinotenda inonzi inoratidza kuti njere dzake dziri padanho re123 zvisinei nekuti riri pakati nepakati rinotarisirwa (average score) kumunhu ane dzakapinza i100.

Tinotenda akapasa zvidzidzo izvi: English 4, Mathematics 1, Agriculture, Science and Technology 1, Shona 2, Social Science 2, Physical Education & Arts 3.

Anonzi akadarikiswa Grade 1 achiendeswa muGrade 3 iyo akadzidza pamwe chete neGrade 2 akatora nhamba yekutanga mumakirasi ose ari maviri ayo aidzidza pamatemu ose.

Baba vake, VaMoses Manyemba, vanoti mwana wavo akatanga kuenda kuEarly Childhood Development Education (ECD) aine makore maviri nemwedzi mitanhatu yekuberekwa.

“Kuchikoro akakurumidza kuenda mushure mekunge amai vake vabata imwe mimba. Saka taida kuti asavanetse tisingazive kuti uyu wakabva waita mukana wekuti atotanga kukurumidza kuwana dzidzo uye pazera iri akanga otogona kunyora zita rake nekuita zvimwe zviperengo pasina kana dambudziko.

“Akaita Grade 4 yake paEmmanuel College kuEpworth apo Grade 2 ne3 akazoiita mugore rimwe chete ra2017 akatora nhamba yekutanga ari paWiddicombe Primary School kunova kwaakazonyorera Grade 7 akabuda ne13 units,” vanodaro.

VaManyemba vanofara zvikuru nekupasa kwakaita mwana wavo asi vanoti iye akatochema nekushaya mufaro sezvo aida kubuda nemayunitsi ari pasi pe13.

Mudzimai wavo, Mai Precious Nhema, vanoti mwana wavo akabarwa aine njere dzakapinzisisa uye vava kutomutsvagira nzvimbo yeForm 1.

“Tiri kutarisira kuti aende pachikoro chiri pedyo apo anenge achidzoka kumba kuti timuchengetedze. Tinoziva kuti mune zvimwe zvikoro anogona kuny’ombwa nenzira yaasingazokwanisi kutambira nekuti achiri mudiki.

“Kazhinji vana vanotarisirwa kunyora Grade 7 vava nemakore 11 kana 12 asi Tinotenda ane 9 kureva kuti achaenda Form 1 aine makore 10 onyora Form aine makore 14,” vanodaro.

Tinotenda akabarwa musi wa14 Kukadzi 2012 uye anoti kana achinge apedza dzidzo yake anoda kuzoita nyanzvi inoona nezvemamiriro ekunze.

“Ndinoda kufunda kusvika kuyunivhesiti asi basa riri pamwoyo wangu nderekuva meteorologist. Ndinotenda vabereki vangu avo vanoramba vakamira neni vachindibatsira mudzidzo yangu, kunyanya pazvidzidzo zveOnline uye Information and Technology,” anodaro Tinotenda.

Hanzvadzi yake – Mwazvita – uyo ane makore manonwe ekuberekwa, atovawo muGrade 4 zvichitevera kukasika kuenda kuchikoro uye ari kutorawo nhamba yekutanga nguva nenguva.

Share This:

Sponsored Links