Mwana aba ‘sink’ yababa vake

22 Feb, 2023 - 08:02 0 Views
Mwana aba ‘sink’ yababa vake Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA wekuChitungwiza akabira baba vake sink yekugezera mandiro achibva angoirovesa izvo zvaita kuti vamusungise.

Peter Kadema (24) (Jnr) wepanhamba 16993 Zengeza 4, akabira baba vake – Peter Kadema (78) (Snr) – singi inokosha US$40 uye haina kuwanikwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Winfilda Tiatara, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu asi vakazomubvisira mwedzi miviri nechitsidzo chekuti anofanira kuita hunhu hwakanaka kwemakore mashanu anotevera.

Vakamubvisira zvekare mwedzi mumwe chete nechitsidzo chekuti anofanira kudzorera mumhan’ari mari inoenderana nemudziyo wake waakarasikirwa nawo US$40.

Mwedzi miviri yange yasara yasendekwa parutivi zvakare nechitsidzo chekuti Kadema (Jnr) anofanira kunofondoka kwemaawa 70 pasina mubhadharo.

Muchuchisi Malvin Mwendera vaudza dare kuti nomusi wa8 Kukadzi gore rino, VaKadema (Snr) vakaona mwanakomana wavo achigeza singi yavo iri pavheranda.

Pasina nguva, vakazoona mudziyo uya usisipo kusanganisira mwanakomana wavo uyu.

Paakadzoka, vanoti vakamubvunza nezvesingi yavo iyi asi haana kuvapa mhinduro inogutsa zvikaita kuti vamumhan’arire kumapurisa.

Kadema (Jnr) akatongerwa mhosva yehumbavha pasi pechikamu cheSection 113 (1) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>