‘Mwana handi wangu’

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Mwana handi wangu’

Kwayedza

‘. . . wakamuita naAshton’ 

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE murume anoti agurwa kunorira nemudzimai wake uyo ari kumubhadharisa mari yekuchengeta mwana as iri wake.

Brian Biala akaendesa Theresa Maturure kuHarare Civil Court achida kuti amire kubhadhara mendenenzi yemumwe wevana vake vaviri uyo waanoti haazi wake.

“Changamire, ndauya kuno nekuti ndiri kuda kuti pamari yemendenenzi yandiri kubhadhara yevana vaviri, ndibvisirwe yemwana mumwe chete nekuti handisirini baba vake. Mwana uyu baba vake vari kumuda saka ini kuti ndichengete mwana wemumwe murume handichada,” anodaro Biala.

Anoti pane mumwe murume akangozivikanwa saAshton mudare, uyo ari kuuya achizviti ndiye baba vemwana uyu.

“Mudzimai uyu naAshton vanofambidzana saka handizvirambe kuti mwana angangodaro ari wake, ndakatombovaona vari vese,” anodaro Biala.

Anoti Maturure pane imwe nguva yaakambomuwanikdza achitaura naAshton ndokubva aviga nhare yake.

“Akatombogara nefoni yaaiviga achitaura naAshton asi ndakazozvibata, ndokusaka ndisisade kuramba ndichichengeta mwana ana baba vari kuda kumutora,” anodaro Biala.

Maturure akaudza dare kuti akadanana naAshton kare, asi vakazorambana uye Biala musi waakavaona vari vose vaive vangosanganawo munzira ndokutanga kufamba vose.

“Ashton ndakadanana naye kare uye musi uri kunzi nababa ava vakationa, ndaive ndichitozvifambirawo hangu ndichibva kubasa ndokusangana naye tikatanga kufamba hedu,” anodaro Maturure.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakataura naAshton ndichida kumuudza kuti vanhu vari kuti mwana wangu ndewake, asi handidadane naye uye mwana baba vake ndivava vari muno,” anodaro Maturure.

Biala anoti haakwanise kuenda kunoongororwa nanamazvikokota kuti zvionekwe kuti mwana uyu ndewake here sezvo pachidiwa mari yakawanda.

Anoti ichi ndicho chikonzero ari kuda kuti mari yaari kubvisa idzikiswe kubva pa$70 kusvika pa$35 kuti isare iri yemwana mumwe.

“Kuitwa DNA ndinoda, asi handina mari yekuti tinoongororwa. Ndokusaka ndiri kungoda kuti mari idzikiswe kubva pa$70 kusvika pa$35,” anodaro Biala.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaBiala achiti vanofanira kutanga vaongororwa nanamazvikokota kuti mwana uyu ndewani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>