Mwana simbe orikita baba vake

19 Sep, 2023 - 14:09 0 Views
Mwana simbe orikita baba vake Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA ane makore 36 ekuberekwa wemubhuku rakwaMusvazvi, kwaSeke, akazvambaradza baba vake kunge nyoka yapinda mumba mushure mekunge vamukurudzira kuti aende kunotsvaga maricho ekuti azviriritire.

Anafi Duwa amiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Courts achitarisana nemhosva yekurova baba vake, Salifu Duwa, izvo zvakaita kuti vakuvare zvakanyanya muviri wose.

Atongwa nemhosva yemhirizhonga pasi pechikamu cheSection 3(1)(a) ARW 4(1) chemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Mutongi Winfilda Tiyatara vapa Anafi chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 asi ndokuzomubvisira mwedzi mina nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Mwedzi misere yange yasara vaisendeka yose padivi nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka pasina mubhadharo pamuzinda weHurumende uri munharaunda yaanogara.

Muchuchisi VaMalvin Mwendera vaudza dare kuti nemusi wa19 Chikunguru, Anafi akarova baba vake muviri wose izvo zvakaita kuti vasvike pakupunzikira pasi.

“Nyaya iyi yakaitika masikati pandakamuona akagara pasi ndichibva ndamubvunza kuti sei asina kuenda kunotsvaga mabasa emaoko kuti ayamurike pane kuswera agere. Kumubvunza ikoko hakuna kumufadza achibva atanga kundirova muviri wose. Pandakapunzikira pasi, akabva andigara pachipfuva,” vanodaro baba ava.

Vanoti vakakuvara muviri wose vakaenda kunorapwa uye magwaro achiremba aburitswa mudare seumbowo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>