Mwanakomana aponda amai

11 Apr, 2022 - 17:04 0 Views
Mwanakomana aponda amai

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekwaZimunya kwaMutare akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuponda amai vake kuburikidza nekuvarova zvakaipisisa pamusoro penyaya isina kuzivikanwa.

Noah Dongorere (58) haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva paakamiswa pamberi pemutongi Prisca Manhibi vedare reMutare Magistrate Court svondo rapera.

Akanzi adzoke kudare zvakare nemusi wa24 Kubvumbi apo anenge achitongwa ari muchizarira.
Muchuchisi Thurston Mubvumbi vakaudza dare kuti rimwe zuva munaKurume gore rino, Noah akarova amai vake mushure mekusanzwisisana pamusoro penyaya isingazivikanwe.

“Dongorere anonzi akarova amai vake, Sekai Dongorere, mushure mekutadza kuwirirana. Mushakabvu akakuvara zvakanyanya mumusoro kudivi rekuruboshwe uye ndokutyoka ruoko. Akazofa nekuda kwekukuvara kwaakaita uku,” vanodaro VaMubvumbi.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Noah asungwe.

Share This:

Sponsored Links