Kwayedza
Mapurisa eZimbabwe Republic Police vari kuenderera mberi nekuferefeta kupondwa kwemwana wekwaMurehwa uyo mutumbi wake wakazonhongwa wakabviswa musoro, maoko nemakumbo munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa. Makumbo emwana uyu, Tapiwa Makore (7), akazowanikwa akakandwa muchimbuzi cheko svondo rapera asi musoro nemaoko hazvisati zvawanikwa. Pane varume vaviri – Tafadzwa Shamba (40) nababamukuru vemwana uyu uye sazita wake, Tapiwa Makore (57) – vakatosungwa nenyaya iyi. Mapurisa vari kutsvaga n’anga iyo inofungidzirwa kuti ndiyo ine musoro wemwana uyu. Sezvineiwo, mumhuri yekwaMakore mune murume anoita zvehun’anga nehutsikamutanda anonzi Tinei Makore, uyo ainge achangobva mumusha uyu zuva rimwe chete Tapiwa (Jnr) achibva asara achipondwa. Ngatinzwei murume n’anga uyu achitaura . . .