N’anga iri kunzi ine musoro wemwana yotaura

13 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
N’anga iri kunzi ine musoro wemwana yotaura Tinei Makore

Kwayedza

Mapurisa eZimbabwe Republic Police vari kuenderera mberi nekuferefeta kupondwa kwemwana wekwaMurehwa uyo mutumbi wake wakazonhongwa wakabviswa musoro, maoko nemakumbo munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa. Makumbo emwana uyu, Tapiwa Makore (7), akazowanikwa akakandwa muchimbuzi cheko svondo rapera asi musoro nemaoko hazvisati zvawanikwa. Pane varume vaviri – Tafadzwa Shamba (40) nababamukuru vemwana uyu uye sazita wake, Tapiwa Makore (57) – vakatosungwa nenyaya iyi. Mapurisa vari kutsvaga n’anga iyo inofungidzirwa kuti ndiyo ine musoro wemwana uyu. Sezvineiwo, mumhuri yekwaMakore mune murume anoita zvehun’anga nehutsikamutanda anonzi Tinei Makore, uyo ainge achangobva mumusha uyu zuva rimwe chete Tapiwa (Jnr) achibva asara achipondwa. Ngatinzwei murume n’anga uyu achitaura . . .

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>