Kwayedza
Phillipa Mukome-Chinhoi
MURUME wemuHarare apotera kudare achida gwaro redziviriro kubva kune aimbove shamwarikadzi yake achiti haana zororo siku nesikati nekushungurudzwa.
Julius Chirere audza dare reHarare Civil Court kuti Vimbiso Chavhundura aimbove shamwarikadzi yake uye ari kumuridzira nhare achimutukirira.
“Ndakadanana nemusikana uyu kwekanguva asi hazvina kuzofamba mushe ndikati timbomira kuita zverudo izvi. Anondichaira nhare achindituka nemashoko asingaite achiti anoda kunditorera motokari mbiri dzandinadzo nekuti akaisawo mari apo dzakatengwa.
“Paanenge akazvifunga, anongouya achikanda midziyo yandakamutengera kumba kwandinogara, izvo zvave kundishaisa mufaro,” anodaro Chirere.
Anoenderera mberi achiti: “Ndakafirwa nemudzimai makore apfuura saka anogarochaya nhare achiti sei usina kundiroorawo sezvo panga pasina aripo. Anoti zvakare sei wakapedza nguva yangu ndichifunga kuti zvandinakirawo. Mambo wangu ndibatsireiwo handisisina mufaro zvachose,” anodaro.
Chavhundura haana kuenda kudare.
Mutongi Tamara Chibindi vanoti Chirere adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera kuzonzwa mutongo wenyaya iyi.