Ndakaponda munhu: Madzibaba Bond

05 Jun, 2023 - 21:06 0 Views
Ndakaponda munhu: Madzibaba Bond Madzibaba Bond Gumira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekuChitungwiza ane mukurumbira, Madzibaba Bond Gumira (Jnr) – uyo anoti ndiye akapihwa tsvimbo yaMutumwa Micho – nhasi mangwanani aenda kunozvipira kumapurisa ekwaZiko, kwaSeke, achiti aoneswa chitsvuku nengozi yemunhu waanoti akaponda.

Madzibaba Bond, wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe, uyo ane sowe rake kuUnit N, anonzi asvika pakamba yemamufisa yepaZiko apo atanga nekuvhetemetsa motokari yake yerudzi rweToyota Fortuner achiti ari kuda kudzipwa nemunhu waanoti ange ari mumota yake umu uyo waakauraya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti vanoda nguva yekunyatsonzwa mafambiro enyaya iyi.

Insp Simon Chazovachiyi

Asi vamwe vevanhu vange vari pachiitiko ichi vanoti muporofita uyu anonzi ari kutaura kuti akapfura mumwe murume aiva n’anga nepfuti akafa.

Zvino mweya wemunhu uyu anoti ndiwo wave kumutevera.

Mumwe wevanhu vaona izvi zvichitika, anoti Madzibaba Bond atanga kuvhetemesa motokari yake achiita seanoda kuzviuraya ndokuzoenda pane vanhu vanokanya zvidhinha apo aimhanyisa nemukati mavo vakadzvamuka vava kutya kutsikwa.

Simon Chazovachiyi

VaTafadzwa Chitsa (24), avo vanokanya zvidhinha panzvimbo iyi, vanoti vasvika pavanokanyira zvidhinha pedyo nemugwagwa weHarare-Hwedza paunosangana neweMabika Drive, ndokutanga kugadzirira basa ravo vachikanya ivhu.

“Muporofita uyu auya achibva nekugaraji rinotengesa mafuta edzimotokari reGiant Service Station achimhanyisa motokari yake zvakanyanya. Adarika nepatinoshandira ndokuenda kune chitoro chitsva apo atanga kushevedzera achiti, ‘Tora bhandi undirove’.

Panguva iyi anga asina kupfeka hembe kumusoro achingova nechikabudura chete,” vanodaro VaChitsa.

Vanoti padarika motokari iyi, vambodzvamuka kutiza, ndokuzomirira vava kure apo vazonzwa kuti muporofita uyu azoburitsa pfuti nebakatwa.

Pasvika Kwayedza panzvimbo iyi, banga rebakatwa iri range richiripo parasiya rakandwa naMadzibava Bond.

Bakatwa

VaJoshua Madongo (37), avo vanogara pachitoro chambosvikwa naBond kuZiko Industrial Area, vanoti vamutswa mangwanani kuma6 nevana vachifunga kuti motokari iyi ndeyemumwe munhu wavanoshandira.

“Vana vanga vachigadzirira kuenda kuchikoro pavandimutsa ndokuenda kumotokari iyi ndikaona yakavhurwa madhoo muporofita uyu ari kunze. Panguva iyi anga achitarisa mudenga achiti pane vanhu vari kumutevera vachida kumurwisa avo anga achiona iye bedzi.

“Ndazotiza ndaona aburitsa pfuti, iye akati ndisatiza achiti anoda kubatsirwa neni. Azodonhedza pfuti yacho pasi zvose nebanga rebakatwa, ini ndazoverera ndikaenda kunozivisa mapurisa avo vazouya vachitora muporofita uyu nepfuti yake,” vanodaro VaMadongo.

Mudzimai wavo, Mai Nomatter Gavhinya (25), vanoti:

“Mwana ashevedza baba vake achiti murungu wavo auya ndokuzoona kuti mumwewo munhu. Anga achitaura kuti ari kuteverwa nevanhu vanoda kumuuraya, achitarisa mudenga mune zvinhu zvaanga achiona iye oga. Azonditevera aine pfuti ndikatiza, iye ndokuzodonhedza pasi pfuti iya nebakatwa. Pfuti yazotorwa nemapurisa, bakatwa rikasara riri ipapa pano pamusha izvo tava kutyira kuti rinogona kutikanganisa,” vanodaro Mai Gavhinya.

Vamwe vanhu vataurwa navo neKwayedza vanoti Madzibaba Bond avaudza kuti ane murume aiva n’anga uyo waakapfura nepfuti ane mweya wava kumunetsa nekumutevera.

“Ati tisamutize, achiti anoda kubatsirwa nekuda kwemweya wemurume waanoti akaponda achiita zvekupfura nepfuti aiva n’anga. Ataura zvakawanda zvataona isu sekunge ava kukanganisika pfungwa nekuti anga achisanganisa nyaya,” anodaro mumwe murume.

Madzibaba Bond azosungwa nemapurisa akaendeswa kukamba yeDema ZRP apo nyaya yake iri kuenderera mberi nekuferefetwa.

Share This:

Sponsored Links