‘Kutodanana nemukadzi wangu? Ziva kuti chivanhu chiriko’

11 Apr, 2024 - 18:04 0 Views
‘Kutodanana nemukadzi wangu? Ziva kuti chivanhu chiriko’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ave kutyira upenyu hwake pamwe nebasa rake sezvo mumwe murume ari kuuya kwaanoshandira achiudza vaanosevenza navo kuti anoda kumuuraya nekumudzingisa basa nekuti akadanana nemudzimai wake.

Clifford Chikanga audza dare reHarare Civil Court kuti Maxwell Dzvova ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Murume uyu anouya kubasa kwangu onyepedzera kunge ari kuda kutenga, otanga kutaurira vandinoshanda nawo kuti ndinodanana nemukadzi wake,” anodaro Chikanga.

“Basa rangu ratova panjodzi nekuti maneja wangu akatoti ukasagadzirisa nyaya iyi zviri nani usiye basa racho nekuti hazvipe chimiro chakanaka kumakasitoma nevamwe vandinoshanda navo,” anodaro.

Achipawo divi rake, Dzvova anoti haana kumbobvira aenda kubasa kwaChikanga kunoita mhirizhonga.

“Ari kungotsvagawo nzira dzekuti achengetedze basa rake nekuti handina musi wandakaita ruzha naye. Ndakaenda kubasa kwake ndichida kutenga mushonga wemombe ndokuita mahwekwe naye, handaiziva kuti ndimo maanoshanda,” anodaro Dzvova.

“Mudzimai wake ndiye akatoita kuti ndizive kuti ari kudanana nemukadzi wangu. Takagara pasi nanatezvara, iye nemudzimai wangu uyo akabvuma mhosva yake ndokukumbira ruregerero saka ndiri kushaya kuti sei nyaya iyi isiri kupera ini ndirini ndakatadzirwa.”

Dzvova anoenderera mberi achiti: “Handisisina basa naye asi akaparadza imba yangu, chamuunza kudare inyaya yekuti haasi kugadzikana nemhosva yaakapara. Mutongo wake uchabva kunaMwari uye ngaazive kuti kana tazogara chivanhu chiriko.”

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Chikanga gwaro redziviriro uye ndokuudza Dzvova kuti arege kuramba achisvika kubasa kwake achinomuvhundutsira achitaura nevaanoshanda navo.

Share This:

Sponsored Links