‘Murume anondidaro nekuti ndiri bofu’

09 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
‘Murume anondidaro nekuti ndiri bofu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE mudzimai anove bofu anoti ashaiswa rugare nemurume wake uyo anopedza gore rose asiri pamba uye paanozodzoka, anomurova nekumutuka nemashoko ezvinyadzi mushure mekunge amukumbira kuti anoongororwa ropa rake vasati vasasana.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Chipo Gambiza akamhan’arira More Mavhengere achida gwaro redziviriro.

“Murume uyu ane tsika yekubva pamba kwegore rose kana mwedzi mitanhatu saka paanouya anoda kundimanikidza bonde, ndikamuti enda unovhenekwa ropa anoramba otanga kundituka nekundirova,” anodaro Gambiza.

“Anotengesa midziyo paanenge afungira saka ndinokumbirawo dare kuti arege kudaro, ndiri kuona kuti uku kundidherera nekuti ndiri bofu,” anodaro.

Mavhengere haana kuenda kudare.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Gambiza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links