Ndave chigondora: Gasa

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Ndave chigondora: Gasa

Kwayedza

MUIMBI weSungura, Romeo Gasa, anoti asamhuka munyaya dzemimhanzi sezvo ave kukwanisa kuita mashoo akazvimiririra kusiyana nakare.

Gasa, uyo vatsigiri vake vanomudana nezita rekuti Simbi Hombe zvichitevera kunetsa kwakaita dambarefu rake rinonzi ‘Simbi Hombe’ muna 2012, nguva yadarika vamwe vaimushoropdza vachiti ndimurondatsimba.

Muimbi uyu anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechishanu uye kushoropodzwa kwose kwaaiitwa kwakamupa shungu dzekuti arambe achishanda nesimba.

“Rwendo rwandafamba rwakareba mumhanzi ndakabva kure, zvinhu zvakaoma pamwe ndichishoropodzwa asi vatsigiri vangu chaiwo vakaramba vakamira neni.

“Ndiri mushishi kubika dambarefu rangu rechishanu iro ndichaparura mwedzi unotevera pamwe neDVD racho. Nziyo dziri padambarefu iri ndinenge ndakaita kurotswa zvekuti ini ndega ndiri kuzvinzwa kuti richavhundutsa vakawanda,” anodaro Gasa.

Maneja wake, Bornface ‘Chief’ Chisvine, anoti muimbi uyu ave kutsigirwa nevasikana muchikwata chake.

“Takaronga tsoro yedu tikati achitanga kuimba achitsigirwa nevasikana muchikwata chake. Izvezvi kumashoo edu kuri kuzara uye vasikana vatiri kushanda navo ava vari kuunza zvakare chaunga sezvo mhanzi yake yave kunakidza,” anodaro Chisvine.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>