‘Ndichengete, ndiwe wakapika pamuchato’

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUMWE mukadzi akasetsa vanhu vaive mudare apo akati aimbove murume wake anofanira kuramba achimuchengeta kunyangwe vasina vana vose sezvo akapika pavakachata kuti vaizogara pamwe chete kweupenyu hwose.

Fungai Chakubva akamhan’arira Tapiwa Chingwena kuHarare Civil Court achida $250 yekuzvichengeta. Akaudza mutongi wedare Gamuchirai Siwardi kuti: “Changamire, ndinoda kuti andipe $250 kuti ndikwanise kuraramawo sevamwe vakadzi vane varume nekuti iye akapika kuti achandichengeta kana zvakanaka uye kana zvakaipa. Saka handizive kuti sei ava kundibata nekuseri kweruwoko.

“Iko zvino anoti ane mudzimai waanogara naye asi haana kana kundiramba kana kundiudza kuti ndizvo zvaakaronga. Ngaandipe mari yekuti ndibhadhare pandiri kugara uye neyekudya. Pari zvino ndiri kutsvaga basa rekuruka musoro nekuti kurukira pamba kupedza nguva, handiite purofiti.”

Chingwena akaudza dare kuti mari yaidiwa naChakubva yakawandisa.

“Amai ava vari kutaura zvekuda kungondikama. Mari yavari kutaura yakawandisa nekuti handina mwana navo. Ndingangopa munhu mari kunge akaremara? Ngaazvishandire mabasa emawoko sekuruka kwaari kutaura.

“Angati handidi kurukira pamba kunge ane mari yacho yekuzobhadhara rendi neyebhazi? Ndinongokwanisa kubvisa $30 zvimwewo anoitawo ega,” akadaro Chingwena.

Mutongi Siwardi akatsanangurira Chakubva kuti zvitsidzo zvavakaita pavakachata zvaisareva kuti anozopihwa mari paangoifungira uye ndokuti vaviri vadzoke zvakare kudare apo aizopa mutongo wake.

Share This:

Sponsored Links