‘Ndinopika, gore rino unofa bedzi’

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
‘Ndinopika, gore rino unofa bedzi’

Kwayedza

Mathew Masinge
SAMUSHA wekuti anogarovimbiswa rufu nemukadzi waakasiyana naye achinzi gore rino anotofa bedzi vakazopotera kudare achiti ave kutyira upenyu hwake.

Killian Chuma akaendesa Thembiso Chiranduro kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu.

“Changamire, mudzimai uyu amire apa handina kana neremuromo naye nekuti kubva zvandakanzi ndigare nevana inini haasisiri munhu kwaye. Ane hasha dzisingaite dzinomupa hushingi hwekuudza muurume mukuru anenge ini kuti anoda kundiuraya.

“Akatopika namai vangu vakafa kuti gore rino haripere asina kundiuraya. Ndave kungorarama ndichitya kuti kuda angangozviita ndikasiya pasi rino,” akadaro Chuma.

Chuma akaenderera mberi achiti Chiranduro anomutuka zvinyadzi pamberi pevana vavo.

“Izvozvi vana vatokuvadzwa nzeve nekunzwa zvinyadzi zvaanondituka kana akauya kumba. Iye akatoroorwa, ava neimwe mhuri, asi anoita sika-sika neni achindibvisa chiri kumeso pamberi pevana,” akadaro.

Chiranduro akati zvose zvaitaurwa naChuma aive manyepo.

“Nguva yandakataura navo imwe chete changamire wangu. Vana vakauya kumba pakati pehusiku vachiti vakange vave nezvizuva vasingadye. Ndipo poga pandakabva kumba kwangu ndikanovatsiura kuti zvavaiita vana zvaiva zvisina kunaka. Handina kuvatuka ini, vari kutondinyepera,” akadaro Chiranduro.

Chiranduro akati Chuma akwegura zvekutoti vana vaari kurambira vari kumukurira kuvachengeta.

“Baba ava vakura zvekutoti kuda pfungwa dzave kutombopesana. Ndokusaka vachimbokanganwa kupa vana zvekudya. Ndinoda kuti dare rino rizive kuti ndakatoisa chimwe chikumbiro chekuchengeta vana vangu zviri pamutemo,” akadaro Chiranduro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Chuma gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>