‘Ndinowachiswa, kubika nekurohwa nemukadzi’

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
MURUME wekugara achizvambaradzwa nemukadzi wake akachema-chema mudare achiti anogona kupedzisira aremadzwa nekuda kwekurikitwa kwaari kuitwa uye akaratidzawo ronda rekurohwa riri mumusoro make. Sherperd Moyo akamhan’arira Merita Garwe kuHarare Civil Court achiti aoneswa pfumvu nekurohwa nemukadzi wake.

“Mukatarisa musoro wangu ndine ronda rakadzika randakarohwa nemukadzi amire apa uyu changamire.
“Chokwadi mukasandidzivirira ndichatoremadzwa nemukadzi wandakaroora.
“Mukadzi wangu haacharara pamba handizivi kuti anenge aripi.

“Ndakambotaurira hama dzake kuti vagadzirise nyaya iyi asi hapana zvakachinja kuratidza kuti atsiurwa,” akadaro Moyo.
Akati akambopindwa nemweya wekuda kusungisa Garwe mushure mekunge amurova ndokumukuvadza asi akazomunzwira tsitsi.
“Zvose ndinomuitira kubva pakubika nekuwacha, hapana kana chaanogona kuita semunhu wechikadzi, chaanogona kurwa chete,” akadaro.
Garwe akaudza dare kuti ndiye anotogara achirwiswa naMoyo paruzhinji.

Akati Moyo ane katsika kekutora nharembozha yake otanga kufonera vanhurume vose vanenge vari mufoni yake achida kuziva kuti ndivanani.
“Anogara achitaura kuti uchaona kuti handina hunhu, ini pamusha apa ndiri kugarira kushinga chete,” akadaro.
Mutongi Barbra Mateko akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>