Ndiri kuruku: ‘Madzibaba’

12 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Ndiri kuruku: ‘Madzibaba’ Madzibaba Daglous Mangare

Kwayedza

. ‘Ndinoporofita zvenhema’

. ‘Ndakuruka vakawandisa’

Kingstone Mapupu

“MUPOROFITA” wechechi yeJohane Masowe weChishanu anobva kwaChikwanda, kwaGutu, kuMasvingo – uyo aive nesowe rake kuSouth Africa – ari kubuda pachena kuti zvose zviporofita zvaanoita kuvanhu ndezvenhema uye zvave kumupandukira.

Daglous Mangare (30), uyo anoshandisa zita rekuti Madzibaba Dumisa Zakariya, anoti anotsotsa vanhu mari nehumwe upfumi hwavo kuburikidza nechiporofita chenhema.

Anoti chiporofita chechitsotsi ichi akachitangisa aenda kuSouth Africa mugore ra2011 uko aityaira gonyeti achishandisa chitambi cheClass 2 chechitsotsi zvekare.

“Ndakaenda kuSouth Africa ndichitsvaga basa ndokugadzirisa chitambi chekutyaira cheClass 2 chechitsotsi, ndichibva ndawana basa ndokutanga kutyaira ndichienda kunyika dzakasiyana. Tsaona dzakazondiwandira mukutyaira uku chitambi changu chikabva chaongororwa zvikaonekwa kuti chaiva chechitsotsi ndichibva ndaburitswa basa,” anodaro.

Madzibaba Mangare anoti upenyu hwava kunetsa, akazotsvaga zano ndokutenga tangi regas rekunamisa apo akatanga kufamba munzvimbo yaaigara achinama midziyo.

“Ndichiita basa iri, ndakazozvicheka munwe ndikakuvara zvikuru. Zvinhu zvakatanga kuoma zvakare apo ndakaenda kune mumwe muporofita wekuPort Elizabeth ndokutanga kupinda chechi ipapo. Ndakatangawo kushanda naye pakubatsira vanhu apo vamwe amai vakauya vachiti mwana wavo airwara nenhova ndichibva ndamushandira akaita zvakanaka,” anodaro Madzibaba Mangare.

Anoti kubva ipapo, akabva pasowe iri ndokuvamba rake.

“Nekuda kwekuti ndaisava nemweya wekuporofita kana simba rekubatsira vanhu, ndine vakomana nevasikana vandinotuma kupinda muvanhu vanoda kubatsirwa vovabvunza matambudziko avo ose nemazita ehama dzavo nevamwe vavanofungira kuti ndivo vari kuvaroya. Vanobva vatora nhamba dzenhare dzehama dzevanhu ava.

“Ndine chikwata chenyanzvi dzevechidiki vanozotsvaga maFacebook Accounts evanhu ava vachitaura navo vachiwana mashoko kwavari padandemutande. Zvadaro, ndinozotora mashoko ose aya ndoashandisa pachiporofita changu chenhema, vanhu vachigutsikana ndichivachaja mari yakawanda nekuti ndinovataurira chaizvo zvemumhuri dzavo.”

Madzibaba Mangare anoti nekuda kwemaitiro aya, akatanga kuita mbiri yekunzi anogona kuporofita zvikaita kuti aunganidze vanhu vakawanda.

“Ndakaita mukurumbira kubva mugore ra2020 kusvika 2021 ndikazowana mumwe musikana aida kubatsirwa. Ndakatanga kushanda naye mubasa iri kugumisira takazodanana ndikamuvimbisa kumuroora. Nekuvimba neni, musikana uyu akandipa makadhi ake ekubhanga ndikazotora R18 000 ndikatiza nayo, ndokuguma ndotsvagwa nemapurisa.

“Ndakazotizira kuno kuZimbabwe nekuda kwenyaya iyi uko ndakasvikotanga zvakare kuenderera mberi nekuita chiporofita chenhema ichi ndichibatana nemamwe maporofita emuHarare, zvikuru kuMbudzi,” anodaro.

Anoti kunyange achiita zvechiporofita nekunyepera kunamata, anonwa doro nemamwe maporofita echitsotsi ayo aanoti akatekeshera munyika ino.

“Kubva pandakaenda kuSoutrh Africa mugore ra2011 kusvika pandakazodzoka gore rakapera, ndakaunganidza pfuma yakawanda nechitsotsi asi yose yakaparara. Ndaingoita basa rekubira vanhu nechiporofita chenhema tichiita mari yakawanda nevamwe vangu. Dambudziko randava kuita ndinonzwa mamwe mazwi evanhu vandakabira mari dzavo achitaura munzeve dzangu, kusanganisa emusikana wandakabira mari yake uyo aida kutenga motokari nemari iyi achiti dzosa mari yedu nezvimwe zvakawanda,” anodaro.

Madzibaba Mangare anoenderera mberi achiti: “Zvimwe zvacho handigone kutaura zvose sezvo zvichindikakanganisira kuzowana mamwe mabasa muvanhu nekuti ndichiri kuda kurarama sevamwe.

“Kunze kwemazwi evanhu vandakabira zvinhu anouya munzeve dzangu, ndinoona musikana uyewo wakandakabira R18 000 achiuya kwandiri achingonditarisa.”

Madzibaba Mangare anopa yambiro kumaporofita enhema nevamwe vanorapa nechitsotsi kuti vasiyane netsika iyi.

“Yambiro yangu kune vanoita chiporofita chechitsotsi vachibira ruzhinji mari yavo ndinoti vasiyane nazvo nekuti vanhu vane matambudziko chaiwo anoda kuti vadzikinurwe. Vamwe vanozogumbuka vokugadzirai.

“Mumusikana wandakatorera mari R18 000 ndinokumbira ruregerero, ndikazokwanisa kushanda ndaita zvakanaka ndinomudzosera mari yake. Kune vamwe vandisisazive ndinoti ngavandiregerere. Dzimwe nguva handigone kuvadzosera mari yavo vose, pamwe vamwe vakafa nekuenda kwakasiyana, kuvakumbira ruregerero kwakakosha zvikuru,” anodaro Madzibaba Mangare.

VaGeorge Kandiyero

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoyambira veruzhinji kuti vaende kunobatsirwa nemaporofita nen’anga vane matsamba emasangano anomiririra machiremba echivanhu pane kuenda kwese-kwese sezvo vachiti matsotsi awanda.

“Vanhu kana vaita matambudziko, vanofanirwa kunobatsirwa nevanhu vane matsamba. Chionai uyu ari kubuda oga pachena kuti anoita chiporofita chenhema,” vanodaro VaKandiyero.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda

Mashoko avo anotsinhirwa naBishop Cuthbert Nyaruvenda, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA) vachiti: “Matsotsi awanda, chionai mumwe ava kubuda pachena adirwa mamhepo nevanhu vaakabira pfuma yavo achivanyepera. Tarisai matsamba avo musati matanga kushandirwa.”

Share This:

Sponsored Links