‘Ndiwe wakaita kuti ndiite stroke’

28 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
‘Ndiwe wakaita kuti ndiite stroke’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti akashungurudzwa zvakanyanya neaimbove murume wake aine pamuviri zvikaita kuti asvike pakuoma mitezo nekudaro haachagona kuzvishandira muupenyu hwake.

Clara Munatsi akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Lovemore Milinda achida US$300 pamwedzi yekuchengeta vana vavo vatatu vanoti ane makore mashanu, 12 ne17 okuberekwa.

“Handichakwanisi kuita basa nekuti rimwe divi rangu rakaoma, ndakarwara ndiine pamuviri kubudikidza nekusabatwa zvakanaka nababa ava, vakandishungurudza ndikasvika pakuita stroke,” anodaro Munatsi.

“Iko zvino ari kuita tsika yekunditorera vana horidhe yoga-yoga ndichisara ndisina kana anondibatsira pamba. Ane tsika zvekare yekundityisidzira achiti achatidzinga pamba ipapo.”

Milinda anoti anokwanisa kubhadhara US$60 nekuti agara achiita zvese kumhuri yake kunyangwe vakarambana.

“Nyaya yandisiri kufarira ndeyekuti haadi kundipa vana, kunyanya gotwe rangu munguva yehoridhe saka ndinochengeta sei vana vandisingaoniwo?” anodaro Milinda.

Munatsi anoti hazviite kuti Milinda aone mwana uyu nekuti ndiye akakonzeresa hurwere hwake aine pamuviri pake.

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Milinda abhadhare US$60 pamwedzi nekuendesa vana vake kuchikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>