‘Ndiwe wakauraya murume’

27 Mar, 2023 - 15:03 0 Views
‘Ndiwe wakauraya murume’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoita basa rekubika sadza achitengesa anoti ari kuoneswa ndondo nekushungurudzwa nemunin’ina wemurume wake, uyo akashaya gore rapera, achimuti ndiye akauraya mukoma wake.

Revai Nyandoro apotera kudare reHarare Civil Court achitsvaga gwaro redziviriro kubva kuna Trymore Lapson achiti anouya pabasa pake, otanga kukuturira pasi chikafu chose chaanenge abika kuti atengese achipopota pamberi pevanhu.

“Anoti ndini ndakauraya murume wangu saka anoda kundishungurudza kusvikira agutsikana. Anoti zvakare ndinofanira kutenda mukuru wake wekubasa uyo akamubatsira kuviga mukoma wake anove murume wangu,” anodaro Nyandoro.

“Izvi zvave kundishaisa makasitoma anotenga sadza rangu nokuti ari kuramba achiuya kuzondituka pamberi pevatengi, apa ndine vana vashanu vanoda kuchengetwa. Anodituka kana nezvinonyadzisira.”

Lapson haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Nyandoro gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links