Chisi hachieri musi wacharimwa, veduwe-e!

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mukwende, mukwende. Zvawakatakura hazvizivikanwe uye hazvibvunzwe. Pamwe nyakutakura anototakurawo zvaasingazive. Mheno zvake! Ndiwo anonzi mazvokuda, mavanga enyora.

Saka nhasi zviri mumukwende anenge mudzimai akazvitakura. Haazivi kuti mudumbu mune mwanasikana here kana mwanakomana! Pamwe anetenge ari mapatya, asi mai vangu iwe, tinongondundurudzana naro bhazi kusvika tasvika pachiteshi.

Saka zvesvondo rino tinoita zimunzwa rabaira, mundove. Unonzwa kakubairirwa, asi kuti papi pacho, kana kuti chii chaizvo, unozvishairwa pazvo.

Vakuru vanoti chisi hachieri musi wacharimwa. Asi vamwe unonzwa vachiti, zvokupiko, ndezvechinyakare izvo, uye zviyerwa zvacho kana zvichiitika, zvinoitikira kumaruwa kunorimwa, zvisinei kuti nhasi vanhu vazara mumatenganyika kana mumapurazi vachirima. Mumadhorobha zvakare pese-pese pane kanzvimbo kokuisa badza, kari kurimwa.

Saka, chisi hachieri musi wacharimwa kwese-kwese, kunyangwe kusina masabhuku kana masadunhu anodaidzira zuva rechisi.
Maonero aya anoratidzawo kuti vamwe vedu hatinzwisisi kuti dimikira iri rinovei chaizvo, uyewo kuti rinoshandiswa zvaita sei. Kana usingazivi kuti chinonzi chisi chii, zvorevawo kuti unotadza kuziva nyaya yezviyerwa.

Kuitira vamwe vasingazivi kuti dimikira iri rinorevei, regai ndipe muenzaniso. Ngatiti wazvicheka munwe nebanga. Hongu pawazvicheka pangabuda ropa, asi ronda iroro harikurumidzi kurwadza kana kuzvimba.

Dzimwe nguva panomboita chiveve, potora nguva usati wanzwa kurwadza, asi mushure menguva unozonzwa kurwadza. Pamwe ronda rinozvimba kana kutoita urwa. Ndosaka tichizoti, chisi hachieri musi wacharimwa. Urwa hahubudi uchangozvimbaka.

Mumwe muenzaniso wandingape ndewekuti unogona kuba pabasa, kana pane imwewo nzvimbo. Mhosva inogona kutora nguva isati yazivikanwa, asika zvinonzi mhosva hairovi.

Zvichazivikananwa kuti pane chakabiwa kwotanga kuferefetwa. Chinofadza ndechokuti mukore uno kwave nemichina yakaita semaCCTV, vaongororori vanozotanga kudzoka kuti zuva rimwe narimwe michina wavo waitorei.

Ndipo pavanozoona kuti munhu akatora akaita sei, votanga kuferefeta. Pasina nguva unoona wabatwa, woshaya kuti vazviziva sei, iwe wakatora pasina munhu.

Dzimwe nguva vanodaidza mapurisa anotora rupawo rweminwe rwunenge rwasara. Vanoronda mbavha iyoyo kusvika vaiwana kubudikidza nema “finger prints” ainenge asiya.

Saka mazvionaka kuti chisi hachieri musi wacharimwa? Rinotosvika chete zuva raunobatwa. Regai ndichipa muenzaniso wokuti vanhu kana huri ihwo hunhu hwenyu pese pamafamba, chizivai nhasi kuti chisi hachieri musi wacharimwa.

Haungati kana wadaidzwa ku “interview” yebasa, wotakura zvinhu zvako zvaunotengesa, dzingadai sehembe. Usati wadaidzwa mu “interview” wofamba uchitengesa, wapedza “interview” woenderera mberi uchitengesa.

Kwauri uri munhu ari kutsvaga basa zvese nemari, asi unenge uchiti watowana mukana.
Vanogona kukusiya, nokuti vanenge vachiziva kuti pane pavachakuwana bedzi. Mushure menguva waenda kumba, unoona tsamba yasvika uchiudzwa kuti pamusana pohunhu hwako, havaone uri munhu akakodzera kuvashandira.

Unoshaya kuti hunhu hwako hupi nokuti pamwe wakaenda wakapfeka zvinoratidzika, uyewo kuti wakapindura mibvunzo zvakanaka.

Unokanganwa kuti wakaenda uine zvinangwa zviviri: kutsvaga mari uchitengesa panzvimbo yausina kupiwa mvumo, uyewo pasingabvumirwi kutengeserwa.
Saka chisi hachieri musi wacharimwa! Chakamirira nguva.

Ndiri kuenda kupi nenyaya iyi? Mukwende ari kungoda kuti vanhu kana tafamba, ngatifambire chimwe chete sadhiraivha weamburenzi, anoziva kuti kana atumwa kundotora murwere, anosvika panzvimbo oita zvaafambira – kutakura murwere nokuenda naye kuchipatara.
Zvinonyadzisa kuona vanhu vachifunga kuti pese pese pavasvika vanoita zvavanoda, vasina hanya kuti dzimwe nzvimbo dzakachengetedzwa zvakasimba, kwete navanhu chete, asi nemichina yapamusoro-soro.

Kuzvipa rusununguko rwusakafanira pese pese pawasvika ndipo panozonzi naMukwende, hongu zvingafadza nguva iyoyo, asika, chisi hachieri musi wacharimwa. Kune dzimwewo nzvimbo zvakare dzokuti kana ukasvikako, ziva kuzvibata. Ko kutaura zvakaoekwa nemaziso aMukwende zvine basa here, nokuti zvakatoitika?

Maziso angu haaigona kudzora hunhu hwakadaro nokuti maziso akati ungatsiura vanhu vakuru kudai kunge vasingazivi kuti pane dzimwe nzvimbo dzine muko wadzo. Kunyanya kutaura kudai, kutofumura gure.

Zvingasanyorwa kuti muko wepano ndewokuti, asi nzvimbo imwe naimwe inokuudza kuti ndiri sei. Makomo kana nzizi anoera wani?

Mimwe misha yavanhu inoera, kana nesuwo pane zvinhu zvatinoeresa muupenyu hwedu. Asi sokutanga kwandaita, chisi hachieri musi wacharimwa. Ingozivawo pokuitira twunhu twako, kwete kungoti pese pese. Chapera, chapera musongoro wehuku!

Share This:

Sponsored Links