‘New Curriculum inoda mari’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘New Curriculum inoda mari’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa chekudzidziswa kwegwaro idzva redzidzo, cheNew Curriculum, chakatarisana nematambudziko ekushomeka kwemari sezvo pari zvino paine $2,3 miriyoni kana zvichienzaniswa ne$18 miriyoni iyo inodiwa kuti basa iri rifambe zvakanaka.

Dr Dokora vakataura mashoko aya svondo rapera vari muHarare apo vaipindura mibvunzo kubva kumapoka akasiyana pamusangano wekujekesera veruzhinji mafambiro ari kuita chirongwa ichi.

Musangano uyu wakarongwa nekambani huru mune zvenhau munyika muno — yeZimpapers — yakabatana nebazi rezvedzidzo.

“Chirongwa ichi chinoda mari inosvika $18 miriyoni kuti chifambe zvakanaka asi takaona kuti zvinotitorera nguva refu nekuti kusvika nanhasi hatizivi kuti mari iyi tichaiwana rinhi uye kupi. Takaona zvakakosha kuti tingotanga neUS$2,3 miriyoni yataive nayo.

“Bhajeti rose rebazi redu regore rino i$13 miriyoni iyo yatakapihwa nehomwe yenyika (Treasury) inova shoma. Asika, zvakangofanana neroora, zvingatoshamisa kuti munhu aribvise rose panguva imwe chete,” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindura mibvunzo wekuti sei zvimwe zvikoro zvisina zvekushandisa zvakakwana pasi pechirongwa ichi, Dr Dokora vanoti zvinofanira kutenga midziyo yekushandisa iyi.

“Zvikoro zvisina midziyo yekushandisa zvinofanira kuitenga uye ndinofara zvikuru nezvikoro zvakaita sePrince Edward (Harare) izvo zvakakwanisa kutenga midziyo yekushandisa mune zvekuimba. Tinoda $10 miriyoni yekuti vadzidzisi vange vachifundiswa uye tinofarawo zvikuru kuti takakwanisa kuchera zvibhorani 25 muzvikoro.

“Zvimwe zvikoro zvatove netwumadhamu twekuita mabhindauko ekuchengeta hove vana vachidzidza zvekurima,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvikoro zviri kuti hazvina makombiyuta asi zviinawo.

“Kune vamwe vari kuchema kuti muzvikoro hamuna makombiyuta asi makombiyuta hobho ayo akaendeswa nemutungamiriri wenyika makore 15 adarika. Akangokiirwa muzvikoro pasina anoashandisa.”

Dr Dokora vanoti vanofadzwa zvikuru nechirongwa chekuwaniswa kudya kuvana muzvikoro vachiti izvi zvinoita kuti vave nechido chekufunda.

“Chirongwa cheNew Curriculum hachizi chinhu chitsva, kwete. Tiri kuramba tichitaura zvinhu zvakatanga kare pasi pechirongwa cheNziramasanga Commission of Inquiry. Saka tiri muchikamu chepiri chechirongwa ichi (Phase 2 Implementation of New Curriculum Framework for Primary and Secondary Education 2015-22).

“Chirongwa ichi chine donzvo rekuona kuti vakuru vezvikoro, varairidzi nevose vanoona nezvedzidzo vasimudzira dzidzo zvinova zvinovabatsira kuti vana vawane dzidzo yemhando yepamusoro nekutsigira Unhu/Ubuntu/Vumunhu,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti vanhu vanofanira kusiyana nepfungwa dzehudzvanyiriri hwevachena dzekuti mwana wose anofanira kufundiswa chiRungu kuti anzi anogona muchikoro.

Mitauro yemuZimbabwe, vanodaro Dr Dokora, inofanira kuwana rutsigiro rwuzere pamwe nekusimbaradzwa.

“Dzimwe nharo dzichiri kuitwa nevabereki nevadzidzi munyika muno dzinoratidza kupambwa kwakaitwa pfungwa dzavo nevachena. Nekuti pari zvino vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vagone chiRungu bedzi vachishora mitauro yavo yemuno.

“Tinoda kuti mutauro waamai unge uchishandiswa nekuti hakuna ongororo yakaitwa inoratidza kuti tinofanira kurasa mitauro yemuno. Kufundisa vana mitauro yemuno kunoita kuti vakurumidze kubata zvavari kudzidziswa uye pabvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino vana vachanyora mimwe yemitauro yemuno zvinova zvinofambirana neNew Curriculum,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mitauro yakadai seTonga ichange yodzidzwa paA-Level apo Nambya, Venda, Chewa neShangani zvichadzidziswa kubva Grade 7 kusvika O-Level. Vanotizve vana veEarly Child Development (ECD) vanofanira kufundiswa nemitauro yemuno.

Zvisinei, vamwe vemasangano anomiririra vadzidzisi, seZimbabwe Teacher’s Association (ZIMTA), Zimbabwe Democrats Teacher’s Union (ZDTU) neZimbabwe Rural Teacher’s Union (ZRTU), vanoti chirongwa ichi chakaitwa nechimbi-chimbi pasina tsvakiridzo yakadzama.

Vachipindura, Dr Dokora vanoti munhu wose akapihwa mukana wekuti ape pfungwa dzake pamusoro pechirongwa cheNew Cirriculum apo bazi ravo raitenderera kumativi mana ose enyika.Vachitaurawo pagungano iri, munyori mukuru kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti kuwandisa kwevana mukirasi imwe chete kunokanganisa dzidzo.

Vakataura mashoko aya mushure mekunge vamwe vaive pamusangano uyu vati kuwandisa kwevana kune zvimwe zvikoro kuri kudzosera budiriro yedzidzo kumashure.

“Mutemo weEducation Act unorambidza kuwandisa kwevadzidzi mukirasi. PaInfant Level, vana vanofanira kuve 25 mukirasi imwe chete, Juinor Level 40, Form 1-4 vanofanira kuva 35, Form 5-6 vanodzidza vari 20 kuchizoti Vocational Training vari 20,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>