Ngwarirai mbeu yemukoto: Seed Co

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views
Ngwarirai mbeu yemukoto: Seed Co

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu dzakasiyana yeSeed Co Zimbabwe yokurudzira varimi kuti vatenge mbeu muzvitoro zvinozivikanwa uye kuti vangwarire kutengeserwa isina kukodzera pamusika wemukoto nemakoronyera panguva iyo mwaka wezhizha waswedera.

Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti varimi vabirwe mari yavo nenzira yekutengeserwa mbeu yemukoto iyo isingavape goho rakanaka.

“Murimi akavhiringirwa mwaka wake pekutanga zvinoreva kuti unopera pasina chaanoita, goho rake rinodzikira uyewo mhuri yake yofa nenzara nyika yoshayawo zvekudya nekudaro zvinokanganisa zvakawanda mukusimukira kwenyika,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Vanoti sekambani vane zvitoro zvakawanda zvavanodyidzana nazvo zvinotengesa mbeu yavo yose uko varimi vanoenda vakasununguka pasina kutya matsotsi.

“Mbeu yedu seSeed Co inozivikanwa kwekuiwana uyewo mhando dzemapepa edu atinoiisa dzine mutsauko nedzimwe. Tinoti kuvarimi endai muzvitoro chaimo munotenga mbeu kwete kusangana nevanotengesa pamhararano. Siyanai nezvekunzi mirai pano ndinokutorerai, munotengeserwa mbeu yakapendwa nependi kana machoko chaiwo,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Seed Co inoshandira munyika gumi neshanu dzemudunhu reAfrica uye inouchika mbeu dzinosanganisira yechibage, nzungu, soya bhinzi nemapfunde.

Zvakadai, kambani iyi yakatangisawo kugadzira mbeu yemuriwo nezvimwe munyika kuburikidza neimwe kambani yayakatenga yePrime Seeds.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>